Mombe dziri kuwanda munyika

06 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Mombe dziri kuwanda munyika Bazi reDepartment of Veterinary Services rinokurudzira varimi kuti vadhibhise mombe dzavo nguva nenguva senzira yekudzivirira zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe.

Kwayedza

Ray Bande

MUMAKORE maviri adarika, huwandu hwemombe hwawedzera nezvikamu zvinomwe kubva muzana kudunhu reManicaland.

Budiriro iyi yavepo zvichitevera zvirongwa zvakasimba zvekurwisa zvirwere zvinobata zvipfuyo.

Makore mashoma apfuura, mombe dzedunhu iri dzakapera kufa nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zvakaita setheileriosis, iyo inozivikanwa zvikuru nezita rekuti January Disease, apo mombe 2 173 dzinokosha US$1 miriyoni dzakafa nechirwere ichi mugore ra2021.

Ongororo yakaitwa nevebazi reDepartment of Veterinary Services (DVS) inoratidza kuti mudunhu iri maive nemombe 590 000 mugore ra2020.

Huwandu uhu hwakadzikira kusvika pakati pe520 000 ne550 000 munaKubvumbi 2021.

Zvakadaro, huwandu uhu hwakatanga kuwedzera munaNyamavhuvhu 2021 zvichisiya dunhu iri riine mombe 626 000 pakasvika Mbudzi gore rapfuura.

Kusvika pari zvino, dunhu iri rine mombe 630 000, izvo zvakawedzera nezvikamu zvinomwe kubva muzana kubva mugore ra2020.

DVS inoti nzira dzinoshanda dzekudzivirira zvirwere dzinosanganisira kudhibhisa mombe nguva dzose nekubaya majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Chirongwa chekudzivirira zvirwere ibandiko reAnimal Health and Disease Control chinove chikamu cheNational Development Strategy (NDS1).

Pakashanyirwa kudunhu reBuhera svondo rapfuura, zvakaonekwa kuti varimi vazhinji vave kutevedza tsika yekudhibhisa mombe.

Buhera inzvimbo inopfuiwa mombe zvakanyanya, asi zvakare iri imwe yematunhu akabatwa nechirwere cheJanuary Disease mumakore achangopfuura.

Mombe dziri kudhibhiswa mushure memasvondo maviri ega-ega uye pane hurongwa hwekudzidhibhisa svondo rega-rega panotanga mwaka weZhizha.

Matunhu akaita seBuhera, Mutare, Makoni nekuchamhembe kweMutasa kwakadai seMt Jenya, Premier, Nyamajura, Odzi neClaire ndiwo akanyanya kubatwa nechirwere cheJanuary Disease.

Chimanimani neChipinge hadzina kunyanya kukanganiswa nedenda iri.

Dr Innocent Chabanga, avo vanova epidemiologist kuDVS kuManicaland, vanoti pane matanho akasimba akatorwa mumakore maviri apfuura kuitira kuti mombe dziwedzere.

“Takaita zvinhu zvakawanda kuti tive nechokwadi chekuti huwandu hwemombe hwawedzera. Izvi zvinosanganisira kugara mombe dzichidhibhiswa nekuvakwa madhibhi mudunhu rose,” vanodaro Dr Chabanga.

Pasi pemutemo weAnimal Health Act, ibasa reHurumende, kuburikidza neDVS, kuona kuti mishonga yekudhibha yavepo pamadhibhi ose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey