Mujubheki anoti ‘Timoti ndiyani?’

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 17 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Mujubheki anosvikobvunza kuti zvainge zvaita sei. Mai vaMonika vanotenda kuti Mujubheki auya, Monika ainge achangobva mukuverenga katsamba ako vakamuratidza iye ndokubva akaverenga. Anotaura zvakaitaura ndokubvunza kuti Timoti ndiyani? VaChingweru vanoti havamuzive, Monika ndokuti amai vasade kunyepa asi pane zvavakaita kuna Timoti kana zvavaida kuvanza, pane zvavakamuita.

Vaida kuti aroorwe naMujubheki zvino haachadi nepaduku pose. Ainge agara avataurira kuti haaroorwi naMujubheki. Saka vainge vakanyarara pakauyu Timoti kuzoona kumusha nekuti vakanga vachiziva zvavaida kuita. Saka ndivo vacharoorwa naMujubheki uyo anobva ati mukadzi wako uyo munhu ndokusimuka paanga apunzikira kwava kunanga kwake.

Nechekuno Tendai ari mushishi yekubatsirana nemapurisa kutsvaga baba vake asingambozivi kuti kumusha kunei. Musi uyu akanga arega basa kuti aswerobatsira kutsvaga baba vake asi panodoka zuva havasati vawanikwa iye ava kutya kuti pamwe vanodaro vakafira musango.

ONGORORO

Tinoona chitsauko ichi chiri muzvidimbu zvidimbu izvo zvinoita kuti muverengi aone nekunzwisisa zvose zvinenge zvichitora nzvimbo. Panzvimbo yokuti munyori anyore zviri zvitsauko zvishanu aita kuti zvose zvikwane muchitsauko chimwe. Uyu musambo mumwe unoshandiswa nevanyori vemabhuku.

Maitikiro anoita zvinhu anonyatsa kuburitswa nekushandiswa kunoitwa nyaudzosingwi (ideophones) idzo dzinoita kuti zvifanane nokunge tiri kuona mifananidzo yemuchivhitivhiti. Zvinonzi, musoro wake wakati ze-e ze-e iye achibva ati rururu ti kupunzika” (84).

Tinoonawo zvakare enzaniso, kunyangwe dziri shoma, dzichirunga mutauro. Monika anovhundutswa nemaitiro aamai vake apo vanonzwa shoko rokuti VaMushayazano vakatsakatika. Amai ava kana kumboratidza zvavo hany’a izvo zvinoita kuti Monika avhunduke “saakange apotswa netsvimbo” (84).

Pavari kutetereka nesango, kufamba kwavo kwaitova kufamba kwemunhu akanga asisazivi zvokuita “sezvinoita munhu akadhakwa anongokaruka asvika kwaanga asingafungiri kuti achasvika” (84).

Timoti anorwadziwa nemudumbu zvokuti anochema “somwana mudiki” (86). Chinhu chaakadya chine simba rakaita “seremimwe miti yechiRungu inodya simbi” (86).

 

CHITSAUKO 18 (Nyaya yacho)

Tendai anomuka nepamusana pehope dzaanorota idzo dzinomunetsa usiku hwose. Anozoona munhu achifamba kuuya kwaari ndokubva oziva kuti ndiMonika. Anobva afunga nezvehope dziya ndokumubvunza kuti kwakanaka here. Monika anongoti chete ngavapinde mumba. Tendai anobvunza zvakare kuti kwakanaka here, nemhaka yei Monika ari kuchema.

Monika haapinduri mubvunzo uyu kwava kubvunza kuti baba vakavawana here. Tendai ndokupindura achiti havana kusvika kumusha here. Monika kwava kungodzungudza musoro chete. Tendai anomubvunza kuti zvaita sei kuzofamba usiku hwakadaro iye ndokuti ati apfuure achivataurira kuti ava kuenda kunotsvaga basa kuHarare.

Tendai anomuudza kuti ainge achifunga kuti achamushevedza ouya naTimoti kumabiko.

Monika paanonzwa zita rekuti Timoti ndobva atangisa kuchema kwava kuzotaurira Tendi kuti Timoti hakusisina. Monika anotaurira mukoma wake kuti ane nhumbu yaTimoti.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey