Uncategorized

Muporofita akarohwa pasowe . . . vamwe vechechi vachikuzirira

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Muporofita akarohwa pasowe . . . vamwe vechechi vachikuzirira Muporofita achirohwa pamasowe uye akakombwa nevanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA wechechi inofungidzirwa kuti ndeye Johane Masowe yeNguwo Tsvuku akazvambaradzwa senyoka yapinda mumba pamasowe nemurume wechidiki apo vamwe vanamati vaitokuzirira kuti arohwe zvakasimba.

Nyaya yekurohwa kwemuporofita uyu ine mifananidzo iri kubuda pavhidhiyo ratinaro iro riri kutenderera padandemutande.

Vhidhiyo iri rinoratidza muporofita uyu achirohwa chibhakera chematsenganzungu ndokubva apunzikira pasi apo anoenderera mberi nekukwapaidzwa nezvibhakera — pamwe pacho akagarwa matunduru.

Panenge pachirohwa muporofita uyu, pane mumwe munamati wechirume anoedza kukanda gemenzi kumeso kwake achida kumuvhara senzira yekuti anyatsokinditswa.

Mamwe mashoko ari kutenderera padandemutande anoti muporofita uyu akarohwa mushure mekupomerwa kudanana nemudzimai wemuridzi.

Madzimai aiva pasowe iri vanonzwikwa vachikuzirira kuti madzibaba uyu arohwe vachiti, “Aiwa kani, siyai vapedzerane ava. Ngaarohwe! Ngaarohwe!”

Pagungano raivepo, zvinoratidza kuti muporofita uyu haana aimutsigira sezvo vamwe vainge vakangogumbata vasinganunutsire madzibaba vachikandwa zvibhakera zvainzwikwa kurira nevari chinhambwe.

“Aiwa regai vapedzerane, ngaarohwe, ngaarohwe,” anonzwikwa achidaro mumwe mukadzi.

Paizvamburwa muporofita uyu, kune mamwe maporofita maviri vakapfeka magemenzi matsvuku avo vakamira nechekure vasiri kana kupindira kana kurandutsira.

Murume anoonekwa ari kurova muporofita uyu achimuumburudza mumavhu haana kupfeka magemenzi.

Iye muporofita uyu, mushure mekunge anzwiswa nezvimbokoma pasina kana kudzosera, anozoguma angomira pasowe.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kuongorora nyaya iyi.

“Semapurisa, tiri kuferefeta yaya iyi, tinokumbira veruzhinji kuti vatizivise vanhu vari kurova murume (madzibaba) uyu uye nekuti iye wacho airohwa ndiyani nemazita avo nekwavanobva. Ngavazivise mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Kuchitiwo Archbishop Johannes Ndanga, avo vanova mukuru wesangano reApostolic Christain Council of Zimbabwe (ACCZ) — avowo vakaratidzwa vhidhiyo iri neKwayedza — vanoshora zvakaitika pamasowe apa.

“Hazviite kuti pamasowe parwiwe seizvi. Panzvimbo inofanirwa kuburukira mweya mutsvene. Pangafanana nekumabhawa? Idzi ndidzo dzimwe nyaya dzinoshoresa chinamato zvakanyanya.

“Asi mibvunzo ndeyekuti sei muporofita kuzosvikawo pakurohwa zvakadai pasowe pake? Inyaya inonetsa kunzwisisa nekutsanangura,” vanodaro.

Vanoti vachaongorora nyaya iyi vachiti vakuru vepasowe iri vanofanirwa kuiswa pasi peshamhu.

Madzibaba Bornsevia Bond Gumira (24) vechechi yeJohane Masowe yeJerusarema iri kuUnit N Extension, kuChitungwiza, vanotiwo kunyangwe zvavo vasina ruzivo rwakakwana nekuda kwenyaya iyi, asi vanokurudzira maporofita kunamata pasina kuita chitsotsi kana kudanana nemadzimai evanhu.

“Tine mamwe maporofita vave kusvibisa mazita emamwe maporofita nekuda kwekudanana nemadzimai evanhu nekuitawo zvimwe zvinhu zvisina tsarukano.

“Tinoona vamwe vachirohwa kana kukuvadzwa chaiko vachizoguma vatiza munyika kana kusungwa nemapurisa.

“Nyaya yekusada kudarikwa nemarokwe yakaipa zvikuru, isu semaporofita tiripo kubatsira vanhu kwete kuparadza dzimba dzavo kana kuita zvimwe zvinorwadzisa vanhu,” vanodaro Madzibaba Bonservia.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey