Uncategorized

Mushonga wekudiwa nevakadzi womunetsa

10 Sep, 2020 - 12:09 0 Views
Mushonga wekudiwa nevakadzi womunetsa Willard Mavhera

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuMainway Meadows kuWaterafalls, muHarare, anoti ava kunetswa nemushonga wekuti adiwe nevakadzi nekumusimbisa musana uyo waakapihwa nasekuru vake asi zvino wava kumukonzera kuti adanane nemadzimai nevasikana vakawandisa zvekusvika pakumufinhura.

Willard Mavhera (43), uyo anobva mubhuku raMavhudzi, kwaMambo Makoni kwaRusape, ane mudzimai nevana vaviri.

Anoti zvakambotanga zvichamunakidza asi zvino otambudzwa nekudanana nemadzimai akawanda — vamwe vacho vakaroorwa. “Zvakatanga mugore ra1994 pandaiita Form 4 apo ndakaenda kunasekuru vangu ndichivaudza kuti ndaitadza kupfimba vasikana. Vakanditi raisava dambudziko, ndokutora mushonga wavakandinwisa, chokwadi ndikatanga kudiwa nemadzimai,” anodaro Mavhera.

Apa anoti sekuru vake, avo vakazoshaika, vakatora rwenga rwavakaisa mavhunze emoto, nenhombo vachibva vamwaya bute. Vakatora vhunurwa renyoka iro vakakuya vachibva vaisa murwenga rwuya nekomichi mbiri dzemvura izvi vakazomunwisa.

“Kubva pandakanwiswa mushonga uyu, ndakanzwa muviri wangu wose kusimba zvakanyanyisa. Mukati memasvondo maviri ndapihwa mushonga uyu, ndakadiwa nekusangana nevasikana vaidarika gumi ndikaziva kuti mhiko dzasekuru vangu dzava kushanda,” anodaro Mavhera.

“Ndakazoroora mugore ra2002, zvino ndava nevana asi mhiko dzandakapihwa nasekuru ratova dambudziko guru. Ndinoda vakadzi zvakadarikidza uye handinete.”

Sekuru Amos Kafela

Murume uyu ari kugara kumba kwemukoma wake kuWaterfalls uko ari kushanda asi mhuri yake iri kuChitungwiza.

Anoti nekuda kwemishonga iyi, asangana nemadzimai anodarika chiuru vemuno, vamwe vekuSouth Africa nekuBotswana.

“Ndakaenda kumaporofita echidzimai anokwana mashanu vachiti vaigona kundibatsira asi vose ndakagumisira ndava kushinha navo. Kana kuri kun’anga ndaneta, hapana chiri kubatsira,” anodaro. Anoenderera mberi: “Handina mari ini, nditori bhiridha zvekuti vakadzi vandinodanana navo ndivo vanotondipa mari yandinopa kumudzimai wangu nemhuri. Izvozvi ndine madzimai anodarika 20 andiri kudanana nawo vemuno. KuSA kune 6, kuBotswana kune 2 uye vose vane vana neni.

“Vana vangu vose vanodarika 25 uye handisevenzese dziviriro. Vashanu vevakadzi vandakadanana navo vakashaya.”

Mavhera anoti mudzimai wake anoziva nyaya iyi asi anongomuda zvakadaro.

“Kana ndichisangana kana kupesana nemunhukadzi, ndikanzwa hana yangu kurova zvakasimba. Ndinobva ndaziva kuti tatova kudanana. Kunyange ari kumashure kwangu, ndinoziva kuti kune mukadzi ari kunditevera nekurova kwehana,” anodaro Mavhera.

Votaura nezviri kuitika kumurume uyu, Sekuru Amos Kafela vekuUnit J, kuChitungwiza, vanoti Mavhera akapihwa chikwambo chinoda madzimai.

“Murume uyu anogona kunge akashandisirwa mishonga ine zvikwambo zvine chekuita neropa revanhu vakafa kana ivhu rekumakuva. Dambudziko iri richagona kupambira kumhuri yake nedzinza zvichapedza kuuraya vanhu,” vanodaro Sekuru Kafela.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey