Uncategorized

Mwana akazvarwa aine mazino, mazamu, ‘vhudzi’

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Mwana akazvarwa aine mazino, mazamu, ‘vhudzi’

Kwayedza

VAGARI vekuKwekwe havana kana nechekutaura mushure mekunge kasikana keko kane makore 15 okuberekwa kabara mwana ane mazino 4, mazamu akakura anotobuda mukaka, vhudzi kusikarudzi nemaziso anojuja kubuda hurwa.Kwayedza svondo rino yakanoona mwana uyu ndokuita hurukuro nevemhuri pamwe chete nevechikuru veko.

Zvinonzi kasvava aka kakatomboramwidzanwa pakati pevabereki nedzimwe hama, vamwe vachiti havagashire mashura akadaro mumhuri.

Amai vemwana uyu — Pamella Zezai (15), uyo achiriwo mwana pachake — anoti akamusunungukira paBattlefields Clinic muna Mbudzi wegore rino aine mazino mana – maviri pamberi nemamwe maviri kumatadza.

Pasi pemitemo yeZimbabwe, imhosva kuroodza mwana – angava musikana kana mukomana – ane makore ari pasi 18 okuberekwa.

Vari kuziva nezvenyaya yemwana mucheche uyu vanoti ichi chivanhu, asi nyanzvi dzichiti izvi zvinogona kuitika.

“Ndakadanana nemukomana wangu, Evidence Dube Chipengo (23), tikaenda tose kuBotswana uko taishanda mubindu. Saka iye akazosara ikoko ini ndichiuya kuno kuzogara kumba kwevabereki vake.

“Pandakarwadziwa nemimba ndakanosununguka mwana wangu pakirinika asi manesi haana kundipa kadhi remwana kana kumubaya majekiseni. Vakangonditambidza mwana wangu vakati, ‘Ane mazino, saka chimboendai munofamba kuchivanhu.’

Izvi zvakandishamisa zvekuti ndakatotya kana kumuyamwisa,” anodaro akabata mwana uyu.

Pamella anoti paakadzokera nemwana wake kumusha kwavatezvara vake avo vanogara mekare muBattlefields, haana kugashirwa zvakanaka.

Anoti hama dzemurume wake nevamwe vemunharaunda vaitaura mashoko akashata pamusoro pemwana uyu izvo zvakazoita kuti agumusire anogara kumba kwemukoma wake uko akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Pakaita nyaya dzekuramwidzana mwana uyu hama dzemurume wangu vachiti haasi wemumhuri yavo, vamwe vachitaura zvekuromba.

“Asi zvizhinji zvacho zvakange zvabva kumaporofita nekudzin’anga uko takange tafamba nevemhuri yekumurume wangu.”

Pamella anoenderera mberi achiti: “Mumwe muporofita akati ini ndini ndakaita chipfambi zvikaita kuti ndizvare mwana ane mazino vachinditi ndireurure zvinhu zvandisingazive. Nekuda kwekushungurudzwa uku, ndakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaBattlefields Police Camp vanova vakatiyanaisa semhuri.

“Takazopfuudzwa zvakare kumapurisa ekuKadoma ndikatsvagirwa amai utsanana vemunharaunda avo vakanzi vaizondiunzira kadhi remwana nekundibatsira kuti ndiende naye kuchipatara.”

Pamella anoti kubvira kusununguka kwaakaita mwana uyu musi wa20 Mbudzi, haasati amboiswa pachikero kuti aonekwe huremu hwake kana kubaiwa majikiseni anobaiwa vana pavanozvarwa serekudzivirira BCG.

“Handizivi kuti mwana uyu akazvarwa aine huremu hwakadii. Chero izvozvi ave kutosvitsa mwedzi nekuti handina mari yekuenda naye kuchipatara. Zvakare, nguva zhinji tange tichingofamba kuzviporofita nekudzin’anga.”

Achibvunzwa neKwayedza kuti chii chavari kunyanya kutsvaga kun’anga kana kumaporofita, Pamella anoti: “Vamwe vanhu ndivo vari kungotaura kuti mwana uyu ndakamuzvara aine vhudzi panhengo yakavandika. Asi izvi handizvo, haana vhudzi uyu.

“Chatakaona paari mazino maviri epamberi ari kuzasi kwemuromo uye mamwe ari kumatadza. Mazamu aive akakura achibuda mukaka akaserera oga asi maziso ake achiri kubuda hurwa hunotoyerera nematama kunge ane mamota.”

Anotizve vamwe vanhu vemunharaunda yavo vari kuti zvakaitika kwaari izvi mashura.

“Vanongoti mashura, saka zvakatityisawo zvekuti ndakatomboenda natete – hanzvadzi yemurume – kuHarare kune mumwe muporofita ane mbiri (zita tinaro). Muporofita uyu akajamba achibuda mumota akananga pane mwana wangu ndokumunamatira akati svondo hariperi mazino emwana asati adonha. Asi kwatodarika masvondo matatu mazino acho achiripo.

“Hatina hedu kuona kushanda kwazvo, nekuti kana maziso ake achiri kungobuda hurwa,” anodaro Pamella.

Anoti muporofita uyu akavapa mafuta (anointed oil) akati vapote vachidonhedzera pamazino emwana uyu kuti abve zvinova zvavakaita asi hapana chakabuda.

“Patakapihwa anointed oil takanzi tisazonosanganise nemimwe miteuro iyo takange tapihwa kune mamwe maporofita. Saka patakasvika kumba, ndakataurira hama dzemurume kuti ndizvo zvatakaudzwa nemuporofita uyu. Asi ivo vaida kuti tirambe tichishandisa mimwe miteuro, ndipo pakamuka kusainzwisisana ini ndichiti mwana ndanzi ndimushandisire anointed oil chete.

Pamella nemwana wake.

Pamella nemwana wake.

“Vakabva vatanga kuti mwana haasi wemurume wangu. Izvi zvakazoita kuti ndibve pamusha apa ndichinogara kwasisi vangu, mushure ndokuzomhan’ara kumapurisa,” anodaro.

Mukoma wake, Mai Dorothy Tasariravona (46), avo vanogara kuImpala View, muKwekwe kwekare, vanoti vashaya zano nekuda kwedambudziko rine mwana uyu.

“Takange tichisina rugare pamusha pano nevanhu vaingoti gare-gare wonzwa vachiti vauya kuzoona mwana asi vasiri vanhu vehukama. Mwana aita chiseko muno zvekuti takapedzisira tave kumuviga mumba kwemasvondo maviri ose paakange achiri pano. Mwana aichema husiku hwose pasina zororo asi takazotoshamisika patakange tave kupinda musvondo retatu vatezvara vake (Pamella) vave kuuya pano vachiti vauya kuzotora muroora wavo.

“Vakaita izvi mushure mekudaidzwa nemapurisa epaBattlefields, pamwe vakatya kusungwa nekuti mwana wavo akazvarisa pwere. Pamella ane makore 15 chaiwo zvekuti haatozivi kuti muviri wake unogezwa sei,” vanodaro.

Vanotiwo mwana uyu akazvarwa aine maziso anobuda hurwa, mazino maviri kumberi nekumatadza uye mazamhu aichururuka mukaka.

Vamwene vaPamella, Magaret Mpofu (40), vanoti havana remuromo. “Ini ndinopinda kereke yekwaMwazha asi kutaura chokwadi takatyiswa nazvo zvekuti takasvika pakugara pasi semhuri tichibvunzana kuti chii chiri kuitika. Takazofunga kumbofamba kumaporofita nekuchivanhu.

“Tarasikirwa nemari yakawanda uye zvipfuyo mukufambira nyaya iyi,” vanodaro.

Mai Mpofu vanoti chinovarwadza ndechekuti zvisinei nekuti vakafamba semhuri, hapana shanduko yavaona pamuzukuru wavo.

Murume wavo, VaMadsen Chipengo (46), vanoti mwana wavo akaroora pwere iyi ari kushandira kuBotswana.

“Ndinokuzivai, muri mapurisa epaBattlefields imi (vachireva vatori venhau) asi kuti nhasi mauya musina kupfeka mayunifomu. Ndakambodaidzwako kumapurisa nenhau yemuroora wangu iyi mushure mekunge anotimhan’arira. Aiti akange adzokera kumba kwavo nekuda kwemitauro yaimuka zvichibva pakuzvarwa kwemwana aine mazino, mazamu nemaziso anobuda hurwa.

“Kumwe kumaporofita kwatakaenda akanzi adure kuti mwana ndewaani. Asi ini semunhu mukuru, ndakaona kuti maporofita iwaya ndiwo aida kutipesanisa nemuroora wangu nekuti zvakatotaurwa murume wake aripo.

“Hatisi kumuramba muroora, tinomuda vose nemwana nekuti takatopangwa mazano kumapurisa saka tave kuzvitambira,” vanodaro vachiti “officer” kumutori wenhau uno.

Zvisinei, kunyangwe vatori venhau vakavimbisa VaChipengo kuti vakange vasiri mapurisa, havanai kugutsikana.

“Patakafamba, mumwe muporofita akatibvisisa US$60, mumwe US$15 nehuku mbiri.

‘‘Muporofita iyeye akati svondo hariperi muzukuru wangu asati ave kutaura zvimwe zvinhu zvinoshamisa. Akati zvakare aida kudzura mazino emwana zvinova zvatakaramba tave kutya kuti angafe.

“Mumwe akati kuzvarwa kwemwana uyu aine mazino anotove mamhepo nengozi inoda kuripwa,” vanodaro VaChipengo.

Vanotsinhira kuti mumwe muporofita mukuru ane mbiri muHarare akapa muroora wavo annointed oil akanamatira muzukuru wavo achiti mazino ake achangonyangarika mukati mesvondo, kana akaramba achidirwa mafuta aya.

“Kune mumwe mambo wemuno uyo akanzwa nezvegakava rekuramwirana mwana uyu iye ndokuti kana tisingamude akasununguka kumutora.

‘‘Akatiti kubarwa kwemwana uyu aine mazino nemazamu zvakakosha muupenyu hwake nenharaunda ino,” vanodaro.

VaChipengo vanoti mushure mekunge muroora wavo abva pamba pavo nekuda kwegakava raive pamusoro pemwana uyu, vakazomutevera.

“Ini ndakazongoona kuti kuita kwevana vachiri vaduku ndikati muroora haangarambi ari kumba kwehama dzake.

‘‘Ndakabva ndanobvisa pfuma yebhasikoro rinova randakapihwa nemukoma wemurume wake sezvo tisina mari yekuti tiroore.

‘‘Bhasikoro iri rinokosha US$65,” vanodaro.

Vanotiwo vari kusangana nezvituko kubva muvanhu vemunharaunda avo vari kuti vakaromba izvo zvakaita kuti muroora wavo azvare mwana uyu.

“Vamwe ndivo vaiti zvaitika izvi imhaka yekuti ini ndakaromba. Iko zvino tave kuda kungotevedza zvechipatara kwete zvemaporofita nen’anga nekuti tanzwa nekubirwa.

‘‘Pamusoro pezvo, mashoko awandisa muraini umu zvekuti muroora ave kutotya kufamba nemwana,” vanodaro VaChipengo.Vanoti zvakare mwana wavo anoda mudzimai wake uye ndivo vakatoita kuti ambomira kuenda naye kuBotswana uko anoshanda.

Zvisinei, VaChipengo vari kuchema-chemawo nenyaya yehuchapa pamusha pavo vachiti zviri kutovaremera kuti vaudzewo muroora nemudzimai wavo kuti vagadzirise zvinhu nekuti ndizvo zvimwe zvinogona kunge zvichiita kuti mwana uyu arware nemaziso.

“Huchapa hwakanyanya pano.

‘‘Ndinofunga mazvionera, mvura nesipo zviripo asi vanhu havadi kugeza.

‘‘Ini ndinotoshaya kuti ndinotanga kuvaudzira papi nekuti mavaona — muroora navamwene huchapa huzere. Chero muredhiyo ndakanzwa kuti kune chirwere chemaziso chiri kukonzerwa nekusageza kumeso,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey