Mwanasikana owaniswa mumwe mukana

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Mwanasikana owaniswa mumwe mukana

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rakabatana nerimwe sangano rakazvimirira kuMudzi, kuMashonaland East, rakatanga chirongwa chekubatsira vanasikana vanosiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana nekuvapa mumwe mukana wekuti vadzidze zvakare.

VaCreezin Chofamba, avo vanova District Schools Inspector (DSI) wedunhu reMudzi, vanoti chirongwa ichi chakauya zvichitevera kuwanda kwevanasikana vari kusiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Mudunhu redu rino reMudzi vanasikana vanosiira chikoro panzira varoorwa kana kuti vashairwa mari vakawanda zvikuru. Saka seHurumende, takabatana nesangano rinonzi Campaign for Female Education (CAMFED) ndokuvamba chirongwa chekudzosa vanasikana vanoda kuchikoro kunyangwe vari kuvarume kana kudzimba dzevabereki vavo,” vanodaro.

Vanoti vanobhadharira vanasikana ava mari dzechikoro nekuvatengera mayunifomu, mabhuku nezvimwe zvinodiwa. “Nemasahwira edu aya, tinoshambadza shoko rekuti vaye vanasikana vakasiira chikoro panzira vadzoke. Vanoda vanouya kumahofisi edu panzvimbo yemabhizimisi yeKotwa uye vanenge vasina matsamba ekuzvarwa tovatoresa, voenderera mberi nechikoro. Vakawanda vari kuuya vachibatsirikana kusvikira kuyunivhesiti kana kumakoreji,” vanodaro VaChofamba.

Vanoti vari kushandawo nevatungamiri vemisha semasabhuku nemadzishe muhurongwa uhu.

Mambo Mukota, VaManhando Tsuro (55), vanorumbidza Hurumende nesangano reCAMFED nedonzvo rekudzosera vanasikana kuchikoro iri.

“Nyaya dzekuroorwa kwevanasikana vasati vayaruka avo vanosiira chikoro panzira dzanyanya muno. Dzimwe nguva vabereki vanomanikidza vanasikana kuenda kuvarume vavasingade asi vana ivava havanogara kuvarume uku, vanobva vadzoka vouya kuno kudare rangu vachida kubhadharwa mari vachizoguma voenda kumendenenzi. Misha yakadai iyi haimire saka zvakanaka kuti vadzokere kuchikoro,” vanodaro Mambo Mukota.

Vanoti vamwe vanasikana vanotiza kudzimba dzevabereki vavo nekuda kwenhamo vachifunga kuti kuroorwa ndiko kuzvipedza.

“Vanasikana ava ngavatange vaita zvechikoro vosiyana nenyaya yekumhanyira kuroorwa. Ivo varume ngavazive kuti vanasikana vari pasi pezera havaroorwe, imhosva inosungisa pamutemo wenyika ino,” vanodaro.

Mambo Mukota vanokurudzirawo vabereki kuti varege tsika yekusiisa vana chikoro vachizovaitisa mabasa emuminda nekufudza mombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey