‘Ndafemeswa nemukadzi wandakaramba’

15 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
‘Ndafemeswa nemukadzi wandakaramba’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME anogara kuMarlborough, muHarare, anoti wanano yake itsva yave kuparara pamusaka pekushungurudzwa neaimbove mudzimai wake uyo anouya kubasa nekumba achiita mhirizhonga uye kumuchaira nhare pakati pehusiku.

Izvi zvakabuda apo Ezekiel Mashingaidze akaendesa Joylene Musendo kudare reHarare Civil Court achiti ave kutadza kuwirirana nemudzimai wake mutsva nekuda kwemaitiro aya.

“Mudzimai uyu anochaya nhare nguva dzisingaite achiti mwana arwara ndiri kuda mari yekutenga mushonga wemwana. Nguva dzaanochaya nhare hadziite saka tinopedzisira tava kunetsana nemudzimai wangu mutsva,” anodaro Mashingaidze.

“Pamwe pacho anoita zvekuuya kubasa kana kumba, ndaikumbirawo azviregedze nekuti zvava kunditadzisa kushanda nekugara zvakanaka kumba,” anodaro.

Musendo anoramba zvose zvinotaurwa achiti Mashingaidze akamhanya kudare iri mushure mekunge amupa gwaro rezvinhu zvaidiwa kuchikoro kwemwana.

“Aya mazano ekusada kuchengeta mwana nekuti kumba kwaanogara handitokuzivi uye handisati ndambosvika pabasa pake,” anodaro Musendo.

Mutongi Sharon Mashavira vakapa Mashingaidze gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey