Uncategorized

‘Ndikakutsamwira unofa kana kuita rombe’

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Ndikakutsamwira unofa kana  kuita rombe’ Shantel Tagwirei

Kwayedza

Shantel Tagwirei

Shantel Tagwirei

 ‘Ndinoziva tsaona isati yaitika’

MUSIKANA nherera wekuNew Mabvuku, muHarare, anoti akatsamwiswa nemunhu, munhu iyeyo anofa, kurwara zvakaipisisa kana kumuitisa rombe remakoko uye ane simba rekufanoziva tsaona huru dzemumugwagwa apo dzinenge dzisati dzaitika.Izvi anoti anozviita nesimba rvananowana “kuKingdom kwedu”.

Achitaura akasununguka, musikana uyu anoti akatsamwira munhu, munhu iyeye anosangana netsaona isingamuponese, kungofa zvisinganzwisisike, kurwara zvakasimba kana kumuitisa rombe.

Sezvinonzi izvi zvishoma, anoti ano simba rekudzima magetsi kana midziyo inoshanda nemagetsi nekungonongedza chete.

Zvake zvikange zvamubata, anongoona vanhu vapenyu vava kuita kunge marangwanda, mapfupa anofamba.

Shantel Tagwireyi (18) anoti mabasa ake akaatanga apo aipinda chikoro pane mumwe musha unochengetwa nherera uri kuHighfield, muHarare.

Musikana uyu hasisina pekugara mushure mekudzingwa pamba nevanin’ina vaamai vake avo vanogara munzvimbo imwe chete iyi.

Anoti akadzingwa zvakare kumba kwemukomana wake, Garnet James (25), uko akanga atizira sezvo aine pamuviri pane mwedzi mishanu uye ave kutochengetwa neimwewo mhuri kuMabvuku.

Shantel anoti anofanoziva tsaona huru dzinouraya vanhu vakawanda munyika apo dzinenge dzisati dzaitika, zvose nehuwandu hwevanhu vanofa izvo anoudzwa “nemazwi evanhu”.

Anoti anonzwa mazwi munzeve dzake, husiku kana masikati. Mazwi aya anomuti abve mumba kana paanenge ari achinzi aende nevamwe vake kubasa ravo rekunofurufusha vanhu vanenge vakazvigarira zvavo.

Anotizve akangotsamwira munhu, munhu iyeye anobva asangana netsaona, kurwara kana kufa. Ndokunge asina kumuitisa rombe rekupedzisira.

Dzimwe nguva anoti anoona vanhu vanenge vachifamba mumigwagwa ari marangwanda sevakafa vozopinduka kuita vanhu chaivo.

Izvi, anodaro Shantel, zvinoitika kuvanhu vanenge vachizowirwa nematambudziko munguva pfupi inenge ichitevera.

“Nyaya yekuti ndinoita zveSatanism handirambe. Ndinoudzwa kuti kwakati kuchaitika tsaona, bhazi rekwanhingi kana rori yekwakati, zvose nehuwandu hwevanhu vanofa. Seimwe tsaona yakaitika kuGweru nguva yadarika, ndakaitaurirwa munzeve nezwi uye mushure mezuva rimwe chete ichibva yaitika, pakafa nhamba chaiyo yevanhu vandainge ndataurirwa,” Shantel akaudza Kwayedza.

Anoti zvakare anokwanisa kuita masaramusi ekudzima magetsi nemunwe wake pasina paabata se”remote” kana kudzima terevhizheni kunyange redhiyo nekungoinongedza.

“Hakuna kana hama ichiri kundida. Amai vangu vakafa kare uye baba vangu handivazive. Pakafa amai ndakazochengetwa kumusha wenherera kuHighfield uko ndakapihwa mbatya nemumwe wandaiva naye. Ndipo pandakatanga kusangana nekurota zvinotyisa.

“Mazwi evanhu vanotaura neni vandisingaone aya ndipo paakatanga uye ndakazopedza Grade 7 ndikaenda kusekondari kuKadoma uko ndaidzima TV muboardroom nemunwe ndiri kure.”

Shantel anotiwo anoona mumba muchipinda vanhu vanosanganisira murungu akasvinura asi vaasingazive obva aita madzikirira apo anotorwa chiendeswa kwaasingazive.

“Pane zvimwe zvakare zvandaiita, zvekuti ndaidyiswa zvinhu zvandisingazive ndofuma ndakazvimbirwa. Dambudziko iri handiride nekuti randishaisa pekugara kubva kunanamainini vangu vandaigara navo zvose nekumukomana wangu. Kune zvaiitika mukugara navo,” anodaro.

“Ndinoona chikwata chevanhu vachiti vabva kuKingdom kwedu. Semazuva apera, kune munhu akauya kwandiri achiti, ‘I am the dragon fighting for my Queen’ (Ndini chikara chiri kurwira mambokadzi). Akati aida kuita revenge yemukuru wedu kuna amainini vaGarnet avo vakabva vaburitswa basa.

“Kana nguva yakwana yekuti tiende, ndinosiya muviri wangu mumba uri woga ndobuda ndava mweya kunosangana nevamwe vangu. Ndinogona kunzi, ‘Muka, handei tinoitisa accident zvichitonoitika.”

Vamwe vaimbogara naShantel vanoti vaiona masaramusi padzimba dzavo kusanganisira kuona musikana uyu achipinda nepamidhuri pasina musiwo uye kuti maziso ake aibuda moto.

Mai Heather Matulanga (43), avo vanova amainini vaGarnet vanotsanangura mashura avaiona apo vaigara naShantel.

“Garnet mwana wemukoma wangu akashaika uyewo babamukuru vangu vakashaikawo zvakare. Garnet akatizisa Shantel ndokuuya pano tikagara. Dambudziko rakazotanga apo ndakarota muroora uyu auya nevamwe vakadzi vatatu ndokutanga kundirwisa ndikatosvinura vachindirova. Ndakafuma ndakazvimba muviri wose, mushure memazuva ndikabva ndaburitswa basa,” vanodaro.

Vanoti Shantel akazouya kwavari mangwanani akatevera achireurura kwavari kuti vainge vamuona achiita mabasa eSatanism.

“Ndakazoenda naye kuna mufundisi Clement Matulanga (53), anova murume wangu, uko akanotaura nyaya yose yemashandiro avo.

“Akati akazvitangisa ari mwana mudiki kuorphanage home kuHighfield ari kuchikoro mushure mekupihwa hembe neshamwari. Akati aikwanisa kudzima magetsi pasina kubata switch kana redhiyo neTV. Akazotipa muenzaniso pano pamba apo akadzima magetsi tikasara tava murima.

“Saka takazomuendesa kumba kwavo uko vakanoramba kugara naye.”

Mai Matulanga vanoti pamba pavanogara ndepaamai vavo vari kuSouth Africa, avo vakazorambawo kuti musikana uyu arambe achigara pamba apa.

“Akadura kuti kune vamwe vake vaida kundikuvadza apo anoti vaiuya vari 4 vachipinda mudzimba dzakakiiwa voita zvavanoda.”

Vanoti vanaamainini vaShantel havachada kumuona nekuda kwemabasa ake.

Garnet anoti mukadzi wake anomuda uye anoda kuti abatsirwe agodzoka kumba kwavo.

Iyewo Shantel anotiwo murume wake anomuda.

Vanamainini vaShantel, Febby (30) naPamela (36), vanoti havachakwanisa kugara naye nekutyira upenyu hwavo.

“Shantel mwana wemukoma wedu akashaika muna 2009 uye baba vake hativazive. Mushure memazuva maviri amai vake vavigwa, akabva atorwa ndokunogara kunochengetwa nherera ndokuzodzoka ava kuita masaramusi ake. Isu tave kutya kugara naye,” anodaro Febby.

Pamela anoti pari zvino akatarisana nehurwere izvo anoti zviri kukonzerwa naShantel.

“Mwana iyeyu akakutsamwira kana kukuridzira tsamwa, munosara muchirwara. Kusanganidzana naye maziso unoona zvimwe zvinhu zvinotyisa. Izvozvi ndiri kuzvimba makumbo nekurwara zvinova zvakakonzerwa naShantel.

“Anobaka moto mumaziso makamutarisa, munopatiza pano imi,” akadaro Pamela.

Kune vanoda kubatsira Shantel vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 963 930, 0772 940 282 kana 0773 758 769.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey