Ndinoda kuita saJah Prayzah: Dr Obert

17 Dec, 2023 - 11:12 0 Views
Ndinoda kuita saJah Prayzah: Dr Obert Dr Obert

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero ari kusimukira – Obert ‘Dr Obert’ Dube – ari kukurudzira veruzhinji kuti vadzikame pazororo reKirisimasi sezvo kazhinji vanowanzofarisa panguva iyi zvinoita kuti vapedzisire vapinda mutsekwende dzakasiyana.

Anoti zororo reKirisimasi inguva yekuti vanhu vanofanirwa kufara nemhuri dzavo kana neshamwari uye vachinamata senzira yekutenda Mwari nekuchengetwa kwavanenge vaitwa apo gore rave kusvika pakunopera.

Dr Obert anoti mwoyo wake unorwadza zvikuru kunzwa nezvevanhu vanofa mutsaona dzemumigwagwa panguva yeKirisimasi.

“Tasvika nguva yekufara yeKirisimasi asi tinofanirwa kufara takadzikama nekuti hatidi kurasikirwa neupenyu panguva ino.

“Vanhu tine tsika yekufarisa panguva yeKirisimasi, asi ngatikoshese upenyu hwedu nehwevamwe. Ngatisatyaire motokari takadhakwa, ngatisafarise panguva ino. Ino inguva yekuswera nemhuri tichifara pamwe chete tichinamata nekutenda Jesu Kristu nemakomborero avakatiwanira gore rino,” anodaro.

Dr Obert mumwe wevaimbi vechidiki vari kusimukira mune zvemhanzi izvo zvamuona achibura madambarefu maviri ayo akatambirwa zvikuru nevatsigiri anoti Kufamba iro raakaburitsa gore ra2017 naChiedza raakaparura nguva pfupi ichangodarika.

Muimbi uyu anoti mukukura kwake aigara kuBudiriro, muHarare, uko aive muvakidzani waJah Prayzah.

Anoti akaona Jah Prayzah achitanga zvemhanzi kusvika ave nemukurumbira waanawo nhasi uno izvo zviri kumusunda kushanda nesimba kuti agosvikawo kure munyaya dzekuimba.

“Kushanda nesimba uye kuzvininipisa kwakakosha zvikuru mumhanzi, ini ndakazviona panaJah Prayzah uyo wandakakura naye. Jah Prayzah aive muvakidzani wangu kuBudiriro uye ndaitodzidza mhanzi kubva kwaari. Muchinda uyu akashanda nesimba kusvika ave paari nhasi.

“Iniwo ndiri kuzvipira kushanda nesimba nekuti ndinodawo kusvika pasvika Jah Prayzah. Hakuna chinoramba kana munhu wakazvipira mubasa rako,” anodaro Dr Obert.

Muimbi uyu anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinosanganisira Hevo Mambo, Chinonyepa Satan, Shedzai Jesu naZarura Suwo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey