Ndinoda kunotamba kuEurope: Shonga

23 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Ndinoda kunotamba kuEurope: Shonga Cynthia Shonga

Kwayedza

Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi weHarare City Queens nechikwata chenyika chemaMighty Warriors – Cynthia Shonga – anoti shuviro yake kutambira zvikwata zvikuru zvekuEurope zvakaita seBarcelona neParis Saint-Germain.

Svondo radarika Shonga — uyo ane makore 23 ekuberekwa — akahwina mubairo weGoal-keeper of the Tournament kumutambo weCosafa Women’s Championship waitambirwa kuSouth Africa.

Izvi zvinotevera kutamba kwaakaita nhabvu inonwisa mvura izvo zvakamuona achinwiswa kana (4) mumitambo mishanu yakatambwa nemaMighty Warriors.

Kuhwina kwaakaita mubairo uyu kaive kechipiri sezvo akambohwina zvekare achitambira chikwata chemaYoung Mighty Warriors mugore ra2019 kumutambo weCosafa U-20 Women’s Championship kuSouth Africa.

Muhurukuro neKwayedza, Shonga anoti mubairo waakahwina kuSouth Africa uyu svondo radarika wakamukoshera zvikuru uye uri kumusunda kuti arambe achishanda nesimba kuti agosvika kure munhabvu.

“Handina neremuromo nekuti mufaro wacho wandinawo wakakurisa. Kuhwina mubairo mukuru wakaita seuyu zvinoreva kuti ndini mubati wepagedhi ari pamberi kudarika vamwe vese muSouthern Africa, zvinhu zvinofadza chaizvo.

“Naizvozvo handifanire kuzvirova dundundu kwete, asi kushanda nesimba nekuti shuviro yangu kuti ndigosvika kure nemutambo uyu,” anodaro.

Shonga anoenderera mberi achiti: “Ini mune remangwana rangu kana nyenyedzi chena ikapenya muhupenyu hwangu ndinoda kuzotambira nhabvu yangu kuEurope kuzvikwata zvikuru zvakaita seBarcelona yekuSpain kana PSG yekuFrance.

“Mutambi wese wenhabvu wemuno shungu dzakewo kusvika kure nemutambo uyu saka ini ndizvo zvandiri kushuvirawo uye ndichashanda nesimba kusvika ndawana mukana uyu wauyawo kwandiri.”

Vazhinji vanoziva Shonga ari mubati wepagedhi asi paakatanga kutamba nhabvu, aitamba pakati mumid-field.

Anoti mumwe murairidzi wenhabvu anonzi Cosmas Bhera akamuona achitamba mukati ndokutaura naye kuti ashandure chinzvimbo chekutamba atange kutamba pagedhi ndokubva amuterera.

“Munhu wandinorumbidza munhabvu kunyanya ndiCosmas Bhera uyo akandikurudzira kuti ndishandure chinzvimbo chekutamba ndiende pagedhe.

“Akange andiona ndichitamba mumid-field ndokubva andikurudzira kuti nditange kutamba pagedhe, kubva ipapo handina kuzodzokera shure,” anodaro Shonga.

Kubva atanga kutambira chikwata chenyika chemaMighty Warriors, Shonga atamba mitambo 11 achirwira jezi iri naChipo Dzingirai pamwe naLindiwe Magwede.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey