Ndinorwadziwa zvikuru: Bunjira

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Ndinorwadziwa  zvikuru:  Bunjira

Kwayedza

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu, Alois Bunjira, anoti bhora revatambi vechidiki vemuno rakaurayiwa nekuda kwezvirango zvakatemerwa chikwata chenyika chemaWarriors nesangano reFifa kuti chisaende kuWorld Cup 2018 kuRussia.

Izvi zvinotevera kutadza kubhadharwa kwakaitwa neZifa mari yeaimbova murairidzi wemaWarriors, Valinhos.

Nyaya iyi iri kurwadza nyika yose yeZimbabwe nekuti kuburitswa kwakaita maWarriors mumutambo uyu kuchadzosera nhabvu yemuno kumashure zvikuru.

Bunjira, uyo aidaidzwa kuti Zola panguva yaaitamba nhabvu kuzvikwata zvinosanganisira CAPS United, anoti nyaya iyi yakatadzwa kubatwa zvakanaka uye ramangwana revatambi venhabvu vemuno vazhinji harisina kujeka.

Anoti anonzwa tsitsi zvikuru kana akatarisa vatambi vakaita saKnowledge Musona naKhama Billiat avo vane matarenda anodadisa zvikuru asi zvinonetsa kuti vataridze hushasha hwavo kana maWarriors asingakwikwidzane nezvikwata zvedzimwe nyika.

“Vechidiki vakaurayirwa nhabvu yavo nezvirango zvatakatemerwa neFifa. Vatambi vakaita saKnowledge Musona, Khama Billiat nevamwe vanofanirwa kunge vachimirira nyika yavo kwete kuomberera mawoko zvimwe zvikwata zvichitamba,” akadaro.

Bunjira anoti makambani akasiyana akaita seArenel neCoca-Cola ari kuita basa rakanaka rekuronga mitambo yevechidiki iyo inobatsira mukuumba tarenda ravo.

Zvisinei, anoti ino ndiyo nguva yekuvaka chikwata chakasimba chemaWarriors chichazomirira Zimbabwe paichazodzoka mumutambo weWorld Cup mugore ra2022. Mutambo weWorld Cup 2022 wange uchitarisirwa kuzotambirwa kunyika yeQatar asi pane tsvakurudzo neongororo iri kuitwa nekuti zvinonzi pane huwori hwakaitwa pakati peFifa nenyika iyi kuti nyika ipihwe chiremerera chekutambirwa mutambo mukuru wenhabvu pasi rose uyu.

“Takangozvitambira hedu kuti takabuda mukurwira kuenda kuWorld Cup saka ino yave nguva yekutanga kuumba chikwata chitsva chichazomirira nyika pamutambo unotevera,” akadaro Bunjira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey