Nettleton yakarangarira vakapondwa kusa

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHIKORO cheNettleton Junior School chiri muHarare svondo rapera chakarangarira vanhu vakauraiwa mumhirizhonga yeXenophobia kuSouth Africa nguva pfupi yadarika kuburikidza nekudyara miti.

Vachitaura pachiitiko ichi, mudzidzisi anoona nezvezvidzidzo zvekuchengetedzwa kwenharaunda pachikoro ichi (teacher-in-charge of environment group), VaGodfrey Guvava, vakati mhirizhonga yerudzi urwu haina kunaka nekuti zvizvarwa zvenyika dzemuAfrica hazvifaniri kurwisana sezvo iri mhuri imwe.

Vanoti kusima miti kwavakaita mucherechedzo wekurangarira vakafira mumhirizhonga iyi kuSouth Africa sezvinoitwawo nekambani yeNyaradzo Funeral Assurance iyo inopa miti kune vanenge vafirwa yekuti vanodyara pamarinda ehama dzavo.

“Isu sechikoro tiri muboka reFriends of the Environment (iyo iri pasi peNyaradzo Group) takapiwa miti 100 neNyaradzo Funeral Assurance neveBirds Africa yekusima mukurangarira vakasangana nedambudziko remhirizhonga yeXenophobia iyo yakaitika kunyika yeSouth Africa,” vakadaro VaGuvava.

“Takaona zvakakosha kuvarangarira sezvo vakasangana netsaona yakashungurudza nyika yose. Takasima miti inosanganisira munyii, muzhanje nemimwe yemusango.”

KuSouth Africa, nguva pfupi yadarika kwakaitika mhirizhonga apo vanhu vekune dzimwe nyika vagere muSouth Africa vakaurayiwa, vamwe ndokukuvara zvichitevera kurwiswa kwavakaita nezvizvarwa zvenyika iyi vachipomerwa mhosva yekuvatorera mabasa.

Miti iyi yakasimwa pasi pedingindira rinoti, “What a million trees can do” iro riri pamusoro pekukurudzirwa kwekudyarwa kwemiti.

VaGuvava vanoti miti yakakosha zvikuru sezvo ichibatsira mune zvakasiyana mukurarama kwevanhu sekushandiswa semishonga inorapa zvirwere zvakatsaukana.

“Vana vanofanirwa kudzidziswa kusima miti vari pazera reECD vokura vachiziva kukosha kwayo nekuchengetedzwa kwenharaunda,” vakadaro vaGuvava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey