Ngatimbomirai kukwikwidza senyika: Stix

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Ngatimbomirai  kukwikwidza  senyika: Stix Stanford “Stix” Mutizwa (kurudyi) apo aitambira CAPS United achinzvenga Patrick Lefanyane weRovers nebhora kunhandare yeRufaro Stadium

Kwayedza

Stanford “Stix” Mutizwa (kurudyi) apo aitambira CAPS United achinzvenga  Patrick Lefanyane weRovers nebhora kunhandare yeRufaro Stadium

Stanford “Stix” Mutizwa (kurudyi) apo aitambira CAPS United achinzvenga Patrick Lefanyane weRovers nebhora kunhandare yeRufaro Stadium

STANFORD “Stix” Mutizwa, uyo akamboita mbiri nekutamba nhabvu, anoti zvikwata zvose zveZimbabwe zvinofanirwa kumbomira kukwikwidza mumitambo yekunze kwemakore matatu kuitira kuti vatungamiriri vazvo vawane nguva yekuzvivaka zvakasimba sezvo sangano reZimbabwe Football Association (ZIFA) riri kukundikana.

Pari zvino, zvikwata zvenhabvu zvakaita semaWarriors, Young Warriors nemaMighty Warriors zvakatokundikana kuzadzikisa mimwe mitambo yazvo nekuda kwekushaikwa kwemari, sekutaura kweZIFA.

Izvi zvaona zvimwe zvezvikwata zvenyika zvichitemerwa zvirango nesangano renhabvu repasi rose, reFIFA.

Makore maviri adarika, chikwata chemaYoung Warriors cheUnder-17 chakarangwa neCAF apo chakundikana kuzadzikisa mutambo wacho neCongo Brazzaville, weAfrican Youth Champions, uyo waifanirwa kutambirwa kuBrazzaville.

Nguva pfupi yadarika, maWarriors akaburitswa mumutambo wekurwira kuenda kuWorld Cup ya2018 kuRussia nekuda kwekuti ZIFA yakatadza kubhadhara aimbova murairidzi wechikwata ichi, Valinhos makore adarika.

Ukuwo chikwata chevakadzi, cheMighty Warriors, chakakundikana kunotamba neCote d’Ivoire chikabva chaburitswa mumakwikwi eOlympics egore rinouya. Nekune rimwe divi, Callisto Pasuwa, uyo ange achirairidza maWarriors, svondo rapera akasiya basa zvichitevera kupedza kwaakaita nguva yakareba achibatwa huchapa neZIFA iyo yaisamubhadhara. Mutizwa anoti kana ZIFA iri kukundikana kuwana mari yekutumira zvikwata zvemuno kumitambo yekunze, zviri nani kugara yazivisa FIFA kuti Zimbabwe yave kumbomira kukwikwidza kwemakore matatu nedonzvo rekupa mikana yekuti zvikwata zvimbovakwa zvakasimba ukuwo mari yacho ichitsvagwa.

Anoti zvinonyadzisa kunzwa kuti Zimbabwe yakundikana kuenda kunozadzikisa mitambo yayo kana kutadza kubhadhara murairidzi wechikwata chenhabvu chenyika.

“Dai zviri kunzi ndini ndine masimba acho ndaitaura kuti ngatimbomirei kukwikwidza timbovaka zvikwata zvedu tichitsvaga mari sezvo ZIFA ichigarochema kuti haina mari.

“Hazvibatsire kunzwa kuti chikwata chedu hachina kuzadzikisa mitambo yacho nekuti chakundikana kuenda kunotamba nekushaiwa mari. Dzimwe dzenguva unoona gadziriro dzacho hadzifambe chaizvo, chikwata chinongotumirwa kunzi chongoendawo kunokwikwidza muchitarisira minana.

“Nhabvu yedu painenge yave kufamba zvakanaka, tave kuhwina, mari inotanga kushaikwa zvotidzorera kumashure. MaUnder-23 edu hapana chaiatadzisa kukunda South Africa dai akange akagadzirira zvakasimba nekuti akabva kure achihwina zvinodadisa. “Saka pari kudiwa kuti timbovake zvikwata zvedu,” anodaro Mutizwa.

Panyaya yezvirango zviri kutemerwa zvikwata zvakasiyana zvemuno, Mutizwa anoti izvi zviri kutadzisa vatambi kuti vaonekwe matarenda avo nezvikwata zvekunze.

“Ndinoona sekunge zvirango zvatakatemerwa neFIFA zvichatidzosera shure uye kutadzisa vatambi vedu kuwana mukana wekuonekwa nezvikwata zvekunze.

“Tine vatambi vakawanda vane tarenda rinodadisa asi pari zvino hapana kwekuriratidzira sezvo nyika ichange isingakwikwidze nekuda kwezvirango zvayakatemerwa.”

Mutizwa anoti zvakakoshawo kusimudzira nhabvu yevechidiki sezvo vari ivo vatambi vemangwana. “Shasha dzakanetsa mumutambo uyu kare dzakaita seni tinofanirwa kuwaniswa mikana yekushanda muzvikoro kuti tirairidze vana nhabvu chaiyo uye tichivabika zvakasimba.

“Takazvipira nekuti tinoda kuona nyika yedu ichibudirira ichienda kure munhabvu uye tinoziva kuti tarenda rizere muzvikoro,” anodaro Mutizwa.

Stix akaita mukurumbira achitambira zvikwata zvinoti CAPS United neBlack Rhinos muPremier Soccer League uye Warriors.

Mukukura kwake, Stix aitamba nhabvu kumaBoys Club anoti Mai Musodzi neStodart Hall kuMbare ayo aikwikwidza nezvimwe zvikwata zvaibva kunzvimbo dzakaita seMabvuku neChitungwiza.

Stix anoti maBoys Club aya akakosha chaizvo uye anofanirwa kudzoswa sezvo kuine tarenda.

Vamwe vatambi vakaita saGeorge Shaya naFreddy Mkwesha vanotiwo matarenda avo akasimudzirwa kumakirabhu iwaya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey