Nhava YeBenzi: Nyaya inosiririsa nekudzidzisa

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naMorris Mtisi —
NDIANI aiziva makore ose aya kuti pasi pane mari yengoda dakara Chiadzwa, kwaMutare, kwanyuka tsime dzedhaimondi kubva muvhu raMarure, Musikavanhu, Mwari muridzi wazvose?

Ndizvo zvimwe chetezvo, kunyuka kwave kuita nhokotera, muZimbabwe mave nenyanzvi itsva dzevanyori vemabhuku.

Mumwe wevanyori ava ndiMorris Mtisi, uyo anosununguka kana akadanwa achinzi “Hungwe, Matapatira, Mauruka, Chasuranebanga” uye anonyora neShona neChirungu.

Mtisi anonyora nganonyorwa dzinodekadza nekudzidzisa uye achiratidza hunyanzvi husina vakawanda.

Muna Mbudzi gore rapera, munyori uyu akaparura mabhuku ake maviri panguva imwe chete kwaMutare. ReChirungu rinonzi Studying for the Grave (mapeji 226) reShona richinzi Nhava YeBenzi iro rinova nhapitapi yerungano rwunosiririsa asi rwuchidzidzisa nekutsiura.

Zviri muna Nhava Yebenzi:

Denford Mtetwa ndijayamupfumi, dambanevana, huzvu inodya nyika rutivi kusanganisira mafaro eDiaspora kusvika adyiwa ndiye nenyika. Sare zvati tende muwiricheya pamwe chete nomukoma — Kokanayi Mechisi Mtetwa — akasarudzawo kuti tsve kusiya zvemhiramidzimu nehutungamiri samambo wevazhinji mumaruwa ndokutevedza zvematongerwo enyika. Zvose zvakaitika pakati murungano igugunanzva.

Mtisi akadzidzira kuva murairidzi paGweru Teachers’ College ndokuzodzidzisa paChikore High School iri kuChipinge asati aenda kwaTsambe, kuSt Augustine’s Mission. Pari zvino anonyora zviri pamusoro pedzidzo mubepanhau reThe Manica Post uye anobatsira vadzidzisi nevana muzvikoro (consultancy).

Anoitawo chirongwa chedzidzo chinonzi “Head-to-head with MM” panhepfenyuro yeDiamond FM.

Nhava YeBenzi— zvinoda kuti uzvinzwire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey