Nyama yetsuro: Ramba waraira

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Nyama yetsuro: Ramba waraira

Kwayedza

Zviri muGapu
TSURO imhuka inogona kuvhimwa musango asi dzimwe dzacho dzinopfuyiwa pamusha uye nyama yacho ndekumwe kudya kunonaka muviri zvikuru kana ichinge yabikwa zvakanaka.

Kwayedza inokurukura neimwe nyanzvi yezvekukaringa inozivikanwa nekuti Mai Mupositori inoshanda panzvimbo inoitwa zvekubika muHarare ndokunzwa zvakawanda pakukaringa nyama yetsuro.

KUGADZIRA:

Chekutanga tinouraya tsuro tichishandisa banga rakarodzwa, toitumbura. Tinoibvisa mvere dzekunze tichiona kuti mambava ayo haaende panyama.

Vamwewo vanoita yekubvura nemoto asi kubvura kunofanira kuitwa nehunyanzvi kuitira kuti isatsve kana kuti nyama isazonhuhwe utsi. Unogona kushandisa marasha pakubvura nekuti haana hutsi hwakawanda kana tichienzanisa nehuni.

Mushure mekuibvura, igeze dakara yachena.

ZVOZODINI?

Yanika nyama yetsuro pasefa yesimbi isina ngura kuti isvavirire.

Kazhinji kacho nyama yemhuka yemusango inonaka kana ichinge yatanga yaomeswa pane kudyiwa iri nyoro.

Kana ichinge yaoma, cheka nyama muzvidimbu woigeza zvakare kuitira hutsi kana dota rinenge raenda pairi.

Mushure meizvi, icheke kuita zvidumbu zvakasiyana woisa mupoto ine mvura nemunyu wakaringana.

Kana twumvura twose twapera, chitangisa kuikanga kusvika yatsvukira mushure mekuisa chipunu chemafuta.

Tinoisa hanyanisi tokanga mushure mezvo tokanda matomatisi akachekwa kuita madiki-madiki kana kuita zvekushandisa kamuchina kanoita kuti apwanyike zvakanaka. Kwatisa kwemanitsi 30.

Nyama yetsuro inogona kuiswa dovi kana kudyiwa iine mafuta.

INONAKA NEI?

Nyama yetsuro inogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo, mapfunde kana remhunga kana kuti nemupunga une dovi.

Vamwewo vanogona kuidya yakaita chimukuyu zvichingosiyana nesarudzo inenge ichidiwa nemunhu kuti ananzvire nekunakirwa.

CHIZIVISO:

. Mune chikafu chamuda kuti vamwe vazive mabikirwo acho here? Nyorerai ku: NANZVIRA paEmail inoti [email protected] kana kuunza kumahofisi edu paHerald House, muHarare; paManica Post kwaMutare; paChronicle House, kuBulawayo kana kumahofisi eZimpapers ari kuMasvingo, Gweru, Chinhoyi nekuBeitbridge. Munogona kuchaya nhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey