Nziyo ngadzivake vanhu: Host Tindo

20 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
Nziyo ngadzivake vanhu: Host Tindo Host Tindo

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI Stembile Moyo, uyo vazhinji vanonyanya kuziva saHost Tindo, ari kukurudzira vamwe vaimbi kuti vabatane pakubika mimhanzi kuitira kukura muindasitiri yavo.

Host Tindo achangobva kubura kambo kake katsva kanonzi “Ndakatadza” ako akaimba naTrymore Bande uyo ane mukurumbira mumimhanzi yechitendero.

Achitaura ari kunyika yeSouth Africa uko anogara achitsikisa nziyo dzake, Host Tindo anoti akaona kuti kushanda kwaakaita naBande kwakamuvhurira mikana yakakura izvo zvave kubatsira kuti zita rake rikure.

“Vaimbi ngativei nerudo tibatane mubasa redu iri nekuti zvinobatsira kuti tese tikure. Ini ndakazviona kuburikidza nekushanda kwandakaita naBande uye ndakatodzidza zvakawanda.

“Naizvozvo ndinoti vaimbi ngatibatanei tishande pamwe chete nekuti tese tinenge tichidzidza pakushanda kwatinenge tichiita,” anodaro Host Tindo.

Kubva apinda mune zvekuimba, Host Tindo mumwe wevaimbi vechidzimai vanoimba misambo yakasiyana uye mimhanzi yake inobata nyaya zhinji dzinoshungurudza vanhu munharaunda.

Host Tindo

Anoti akapinda mune zvekuimba nechinangwa chekudzidzisa veruzhinji kuti vagare murudo pamwe chete nekuvapa mazano ekuti vagobuda mumatambudziko avanenge vachisangana nawo.

“Vaimbi patinotsikisa nziyo dzedu ngative tine chidzidzo chatiri kupa kuvatsigiri vedu chavanobata kwete kungonzi ndaburitsa mhanzi pasina chairi kudzidzisa.

“Mimhanzi ngaive inovaka vanhu nekuvabatanidza kwete kuputsa kana kuparadza,” anodaro.

Zvichitevera kuburitsa kwaakaita kambo kake ako akaimba naBande, Host Tindo akabva abura kamwe katsva kerudo kanonzi “Dear Beloved One, Rudo Rwako Indandi”.

Anoti iye zvino ari mushishi kubika dambarefu rake idzva iro anotarisira kuzoparura mumwedzi inotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey