Nzvimbo dzechikoro dzonetsa kuwana

24 Feb, 2021 - 10:02 0 Views
Nzvimbo dzechikoro  dzonetsa kuwana Patrick Zumbo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VABEREKI vari kuchema-chema nekunetsa kuri kuita kuwana nzvimbo dzeFomu 1 muzvikoro zvichitevera kuderedzwa kwehuwandu hwevana vanofanira kunge vari mumakirasi munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vabereki avo vanonyunyuta pamusoro pekunetseka kwavari kuita pakutsvaga nzvimbo dzevana.

“Tanzwa nekunyorera tichitsvaga nzvimbo dzechikoro uye dziri kunetsa kuwana. Vakuru vezvikoro vari kungoti kwakazara. Ndanga ndichida kuti mwana wangu aende kuzvikoro zveHurumende nekuti kunobhadharwa mari dziri nani asi kuri kunzi kwakazara zvekare saka handichaziva kuti ndoita sei.

“Vakuru vezvikoro vari kuti vakanzi vatevedzere mitemo yeWorld Health Organisation mukuona kuti vana vavanotora havawandise, chero vemabhodhingi,” vanodaro Mai Tendai Chikozho vekuChitungwiza.

VaPeter Chinokura vekuChitungwiza kwekare vanoti mwana wavo akabuda ne6 units asi ari kushaya nzvimbo yeFomu 1.

“Chishuwo changu change chiri chekuti mwana wangu awane nzvimbo kuitira kuti ndizive kuti zvii zviri kudiwa ndigadzirire zvikoro zvisati zvavhura. Zvino nzvimbo dzacho dziri kungonzi dzakazara kwese kwandiri kubvunza paindaneti.

“Tiri kutochema kuti dai chirwere cheCovid-19 chapfuura nekuti kare taisinyorera nzvimbo idzi uchitoita kudaidzwa kuzvikoro zvakasiyana iwe wotosarura. Ndinovimba nemajekiseni akauya ekudzivirira chirwere ichi dambudziko rekushaikwa kwenzvimbo richaita shoma kana hutachiona hukadererawo munyika,” vanodaro VaChinokura.

Vanoenderera mberi: “Zvimwe zvikoro ndizvo zviri kudaidzira mazimari anotyisa nekutora mukana wekunetsa kwenzvimbo vachiziva kuti vabereki vanenge vashaya tariro vanopedzisira varovera mwoyo yavo kudombo. Somuenzaniso, Mukaro High iri kwaGutu neMavhudzi High yekuNyazura zviri kuda mari inodarika $50 000 patemu kusanganisira mayunifomu echikoro zvisinei nekuti Hurumende yakarambidza kutengeswa kwemayunifomu muzvikoro pamwe nekukwidzwa kwemari dzechikoro pasina mvumo.

“Kudai Hurumende yapindira uye nyaya dzehuwori dzinopedzisira dzawanda kana nzvimbo dzikaramba dzichinetsa kudai.”

Vamwe vakuru vezvikoro vakataura neKwayedza vanoti zvikoro zvinoda rutsigiro rwemari kuti zvinhu zvirambe zvichiendeka, nekudaro panokwira zvinhu munyika uye mari pamisika, zvikoro zvinokwidzawo mari nezvimwe.

Zvisinei, vabereki vanoti raramo yavo yakakanganiswa nechirwere cheCovid-19 izvo zvaona vachigara kudzimba pasi pechirongwa chekurwisa denda iri (lockdown) nekudaro kuwanikwa kwemari kuri kuvanetsa zvikuru.

“Pari zvino hakuna kambani iri kuwedzera vashandi mari nekuti makambani acho akatoomerwawo, zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka. Hurumende ngaitotora matanho ekuona kuti zvikoro zvamira kukwidza mari. Izvozvi tava kushaya hope nekufunga kuti nzvimbo dzacho vana vachadziwana kupi kana zvikoro zvichiti zvakatopedza kutora vana,” vanodaro Mai Monica Takavarasha vekuKuwadzana 7, muguta reHarare.

Mutevedzeri wemukushi wemashoko kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, VaPatrick Zumbo, vanoti zvikoro zvinofanira kutevedza hwaro hweWHO mukuona kuti vadzidzi havafanire kuwanda mumakirasi, kushandiswa kwemasanitizer nekuvhenekwa kwekudziya kwemiviri kana zvikoro zvichinge zvazovhurwa.

“Takadzidza kuti pachine kusanzwisisa kuri muvanhu maringe nekutorwa kuri kuitwa vana veFomu 1 gore rino, kusanganisira vekumabhodhingi. Tinokurudzira kuti vabereki vaenderere mberi nekutsvaga nzvimbo uye vakuru vezvikoro vanofanira kutevedza zvinodiwa nesangano reWHO mukudzivirira chirwere cheCovid-19. Asi pari zvino zvikoro hazvisati zvava kuvhurwa, zvichazoziviswa mukufamba kwenguva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey