Asimudzwa nekuchengeta mombe, huku nembudzi

23 Aug, 2023 - 09:08 0 Views
Asimudzwa nekuchengeta mombe, huku nembudzi Mai Theodora Murombedzi (2)

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuMhondoro-Ngezi ari kuita zvinorova nekuchengeta mombe dzemukaka nezvimwe zvipfuyo zvinosanganisira mbudzi nehuku.

Mai Theodora Murombedzi (53) vepapurazi reSolitude Farm, Plot 59 kuWard 10, vanopembedza mashoko emutungamiriri wenyika President Mnangagwa ayo vanogara vachitaura ekuti “Nyika inovakwa nevene vayo” sezvo achivapa simba rekuita basa ravo nekuti shungu dzavo ndedzekuti Zimbabwe ive nebudiriro.

Nguva pfupi yadarika, papurazi pavo pakaitwa gungano revarimi apo muenzi mukuru aiva Professor Obert Jiri vanova chief director kuAgricultural and Rural Development Advisory Service (ARDAS) kubazi rinoona nezveminda, kurima, hove, nekusimudzirwa kwekumaruwa.

“Nyaya dzekurima dzakagara dziri mandiri apo tairima chikafu chekudya kumusha kwedu asi bhizimusi repapuranzi pano ramuri kuona ndakarivamba munguva yeCovid-19 muna2019 apo ini nemurume wangu, VaJames Murombedzi, takavharirwa muno munguva yelockdown. Murume wangu anoshandira kuEthiopia saka patakauya kuno ndipo patakavharirwa muno tikabva tangoona kuti kungogara mumba takahwanda Covid-19 hakubatsiri chinhu nekuti hataiziva kuti chirwere ichi chichapera rinhi.

“Ndipo patakaruka zano rekuvamba basa iri tichibva tatanga kutenga zvipfuyo zvedu munzvimbo dzakasiyana tichiendesa kupurazi,” vanodaro.

“Papurazi redu tine mombe dzemukaka 30, dzenyama 93, mbudzi 130 huku dzechibhoyi 800, mombe dzine mazamu 13, mabhuru matatu, mhuru 7, mombe dziri kuyamwisa nhatu nemombe dzichangokura kubva kuve mhuru shanu.

Dzimwe dzemombe, kusanganisira dzemukaka dzaMai Murombedzi

“Ndine vashandi vanochengeta zvipfuyo zvangu vanodarika gumi. Bhizimusi iri rinobatsira kuti vechidiki vasangoswera vachitora zvinodhaka nekuda kwekushaya zvekuita uye vanenge vachitodzidzawo kuti vazozviitirawo mabhizimusi avo vakazvimiririra.”

Mai Murombedzi vanokurudzira mamwe madzimai kuti vapinde mubasa rekurima senzira yekuti mhuri dzavo dziwane raramo.

“Kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi kunotariswa zvekare munyaya dzemabasa saka hakuchina basa rinonzi iri nderemurume, iri nderemukadzi.”

Mai Murombedzi vanoenderera mberi vachiti: “Tine muzinda wekuchechenya mazai tichitengesa nhiyo. Dambudziko bedzi ratinaro kuno nderekushomeka kwemvura yemudenga zvinoita kuti mafuro ave mashoma saka tinogumisira tava kutengera mombe nembudzi dzedu chikafu izvo zvinotidhurira.”

Dzimwe dzembudzi dzaMai Murombedzi

Murume wavo, VaJames Murombedzi, vanoti vane hurongwa hwekuvandudza bhizimusi ravo nekugadzira mukaka unotengeswa pachidanho chepamusoro, kugadzira mayogati nechizi uye kuve neBiogas vachishandisa ndove inobva muzvipfuyo zvavo.

“Dambudziko revanhu vanopisa masango zvisina tsarukano rinokanganisa isu varimi nekuti tinorasikirwa nemafuro. Tinoda zvekare minda yakakura inoita kuti zvipfuyo zvifambe zvakafaranuka zvichifura uye kuti chikafu chezvipfuyo chinge chichiwanikwa nemitengo yakaderera,” vanodaro VaMurombedzi.

Professor Jiri vanopembedza Mai Murombedzi nemhuri yavo nebasa guru ravari kuita rekupfuya mombe dzemukaka nezvimwe zvipfuyo.

“Chikamu chinogadzira mukaka muZimbabwe chiri kuwanisa marita 60 miriyoni kana zvichienzaniswa nehuwandu hwepakati nepakati uhwo hunotarisirwa kuti hunge huchigutsa nyika hwemarita 120 miriyoni zvinoita kuti nyika igumisire yava kutenga mukaka kune dzimwe nyika nekuti watiri kuwana hautikwaniri. Kureva kuti pamwedzi nyika ino iri kutenga mukaka unokosha US$7 miriyoni.

“Hurumende yaive nezvinangwa zvekutenga mombe dzemukaka dzinosvika 30 000 muna2022 senzira yekurwisa dambudziko iri. Tinofara zvikuru kuti murimi uno akatotanga bhizimusi remombe dzemukaka achikama marita 1 000 emukaka pazuva,” vanodaro.

VaBezel Kazembe vanova kanzura wenzvimbo iyi vanoti vanofara zvikuru kuti vagari vemo vari kutora kurima sebhizimusi zvinoita kuti veruzhinji vasatambudzwe nenzara kana kushaiwa mabasa.

Share This:

Sponsored Links