CAPS yakwaturwa neBikita Minerals

28 Mar, 2024 - 22:03 0 Views
CAPS yakwaturwa neBikita Minerals CAPS United

Kwayedza

Abel Ndooka
CHIKWATA cheCAPS United nhasi chakundwa 1-0 nevakomana vatsva veBikita Minerals mumutambo Castle Lager Premiership wekutanga kutambirwa kunhandare yeRufaro Stadium, muHarare, kubva pakavharwa nhandare iyi gore rapera.
Pamitambo yePSL yatambwa nhasi Kepekepe ndiyo yega yakundwa sezvo imwe mitambo yese yapera iri mangange izvo zvaona FC Platinum ichiita mangange 2-2 neChicken Inn, ZPC Kariba ikaita 0-0 neNgezi Platinum Stars, Manica Diamonds 0-0 Chegutu Pirates, Arenel Movers 0-0 Herentals uye Green Fuel 0-0 TelOne.
Mitambo yePSL matchday three iri kuenderera mangwana apo pachaona Yadah ichisangana neDynamos mumutambo uchatambirwa kuRufaro Stadium uye Highlanders ichasnagana neSimba Bhora kuBabourfields kuchiti Hwange ichaedzana masimba neBulawayo Chiefs.

Share This:

Sponsored Links