O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZA MWOYO NAC. MUNGOSHI: Monika anoenda kwaMajubheki

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

Bhuku idzva: Makunun’unu Maodzamwoyo naCharles Mungoshi
CHITSAUKO 1: Nyaya yacho
USIKU hunopfuura Monika mwanasikana waVaChingweru achikuya. Panopepuka VaChingweru vachiona kunze kwaedza, vanonzwa mwanasikana wavo achiimba ari mushishi yekukuya ndokugutsikana kuti apa vakaita mwana wekupiwa naMwari chaiye. Vanoda kumutsvagira murume kwete kuti aroorwe nezvikomana zvemunzvimbo iyi.

Vachiteerera mwana wavo achikuya, vanobatwa zvakare nehope ndokutozopepuka zuva ratobuda. Mwanasikana wavo atopedza kuita mabasa epamusha. Amai vanotsiura mwana vachiti anozviurayireiko nebasa, haagone kurega ivo vakaita zvimwe here hezvo murume wavo anongoswera akawaridza rukukwe. Monika anoti baba vanorwara, usiku hwose vainge vasina kurara nekukosora.

Amai vake vanoti kwaani, hapana kurwaraba kuri kuitika vakabvira rini vachingoti ndinorwara, ndinorwara? Monika anoti haafungi kuti vari kuita zvavo zvedambe, dai vainge vavanzwa usiku vangadai vakachema.

Amai vanoenderera mberi nekunyomba murume wavo. Monika anotizve baba havasi kudya sadza asi amai havana basa nezvose zviri kutaurwa nemwana.

Amai vanobva vataura nezvaTendai mukoma waMonika uyo vanoti ari kuita zvechifeve kuChivhu. Monika haawirirani naamai vake apo vanoti Tendai ipfambi kurambwa kwaakaitwa nepamusana pokurwara ndicho chinganzi chitadzo here asi amai vake vanoramba vachimunyomba. Monika anoda kuramba achidzivirira mukomana wake asi amai vanomugamha vachimuvhundutsira.

Ndiani akakuudza Monika zvenhema zvekuti Tendai akarwara nekupenga, vanobvunza. Hatuzi turume twake turoyi twakamugadzira here, vanobvunzazve.

Amai vanoti vakanyadziswa kare nekudaro havadi kunyadziswa zvakare saka vacharoodza Monika kune murume wavachamutsvagira. Pakarepo VaChingweru baba vaMonika, vanobva vatanga kukosora. VaChingweru kwava kufinyamisa kumeso kwavo apo Monika anovatarisa.

Amai vake vanozviona kuti ari kuchema paainge achimenya nzungu ndokumubvunza kuti zvaita seiko iye ndokuti hapana, amai ndokuedza kuti ataure asi anoramba akanyarara. Vanoedzazve kutaura naye vachimunyengetedza kuti asazviuraye nebasa. Iye anoti ndiko kuti agowana nguva yokundotambira mukoma Tendai kubhazi, amai ndokushanduka ruvara vachiti zvaari kunotamba ko basa rapamusha apa ati apedza here zvaava kuda zvake kundoswera achiseka nepfambi.

Amai vanoshatirwa ndokupopota. Kana Monika apedza kumenya nzungu anofanira kuenda kwaMujubheki kunopiwa chumi yejongwe ravo raainge akadya. Abvako, vanoda kuti dzimba dzose dzidzurwe namashamba dzacheneruka zvisingabviri. Kana apedza zvose izvi, ndipo paanogona zvake kunoonana nemukoma wake. Baba vari kugota kwavo vanotangazve kukosora amai nemwana ndokumbonyarara. Muchembere anorudenha zvakare ndokutanga kupopotera Monika vachitaura nezvekutambudzika kwavakaita kuti Monika aende kuchikoro. Monika angadai asingavanetsi, anotoseka achiti igudo romunhu. Monika anotovatsamwira nekuti vamuti arege kuenda kundotarisa pfambi.

Kana zvakadaro vanomuramwira zvine sekerambabvu vachiti ngaachiendaka kubhazi kwacho. Vanosiya vamutuka vachiti zinyope, vamwe vanhu vachafa vachiita sembwa inotevera pwere kusango.

Monika achipedza kumenya nzungu anobva aenda kwaMajubheki uyo anomuti apinde agare necheparukukwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey