O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mugadzi anovimba naMasimba pabasa

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 1 (Ongororo):
Muchitsauko ichi pane zvatinodzidza maererano nehunhu nemaitiro aMasimba, mukomana uyo aishandira Mugadzi. PaPeji 5 tinonzwa kuti, “Masimba aiita basa nemazvo . . . Mugadzi aifarira mukomana uyu nekuti nguva dzose aiita basa nemazvo achifara. Pavakomana vese vainge vashandira Mugadzi, Masimba ndiye chete aive akwanisa kugarapo nguva yakareba . . . Mugadzi ainge asingadi vanhu vane nungo, vanoba mari yake nokuita mimwe misikanzwa.

“Masimba aive asina tsika dzakaipa, ruoko kana nungo. Aiteerera nekutendeseka, achisevenza zvine simba sezita rake” (5).
PaPeji 8 tinonzwazve zvichinzi, “Sezvo Mugadzi aivimba naMasimba akanga asingamboiti zviya zvekutarisa kuti zvatengwa zvingani uye kwasara zvingani” (8). “Dai Masimba aiva nemwoyo wekuba angadai akazopedzesera amutsa rakewo bhizimusi”(8).

Maererano naMugadzi tinonzwa kuti murume uyu fodya yaisabva pamuromo pake” kuzoti kana ari mukadzi wake Mai Sarudzai, “zvekumusha vaive vasingambodi zvavo” (11).

Iye murume uya Tapera wekubhejerana naMugadzi tinonzwa Chipunza achiti, “Tapera hamumuzivi kuti ibasa rake rekunwira hwahwa mudhorobha kana ane mari” tozonzwazve achienderera mberi achiti: “Mota inomuita dzvatsvatsva chairo” (5).

Kudimikira tinokuona muchitsauko ichi. Kuti tinyatse kuona kuti mari yemasirivha yainge yakawanda zvakadini, tinonzwa munyori achidimikira achiti, mari iyi “mavhu nemarara”. Mugadzi zvaimunetsa mupfungwa make achiti apo anenge azvifunga moyo wake wabayiwa nemuururo mutsvuku” (2).

Kunzwanana kwevakadzi vaChipunza newaMugadzi kwainge kwakakomba chaizvo izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Hwakangoramba huri hukama neushamwari hwabhande nabhurukwa” (7). Masimba agadzirira zvokudya anotaurira Mugadzi kuti achiuye adye zvinhu zvichakamumirira nekuti akanonoka, “munowana dzamira nemhuru kuno” (8). Mai Sarudzai nyaya yekuenda kumusha iyi vaitsika madziro kuri kuramba izvo zvinonzi, “vairamba kuti haivhiyiwi”.

Enzaniso tinodziona dzichishandiswa kuti pane zvinhu zvainetsa Mugadzi mumoyo make kusviba “kunge chitsiga chakatsva”. Apo Mugadzi ainge ari mushishi kuverenga mari anonzwa shangu kuti shwaka munhu ndokubva aita “seavhundutswa” (3).

Mheremhere iya yaiitwa munhandare yeRufaro nevatsigiri vechikwata cheKarls United yakabva yaita kuti munhandare mungonzikwa mheremhere yavo chete vekudivi rekuDynamos vakanyarasiswa. Zvokudya zvainge zvagadzirwa naMasimba zvainhuwirira zvokuti imba yose yainge yongonhuhwirira “kunge mukefa”.

Apo Masimba akabvunzwa naMugadzi kuti ainge achizoroora rini iye ndokupa mhinduro yokuti aigoziva sei kuti uyu ndiye mukadzi kwaye ivo vakadzi vemazuva iwayo vasingadi kuenda kumaruzevha mhinduro inove yakabaya moyo waMugadzi “kunge abayiwa nenariti” (10).
Paainge achinwa hwahwa, Mugadzi aiita hwokudutira pasina uyo waaigona kutapudzira zvaimunetsa achingotambudzika nazvo oga izvo zvinodimikirwa zvichinzi “achingova makunun’unu maodzamwoyo”.

CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho):
Amai Sarudzai apo vanoshanyira tete vavo kuZengeza vaive nechinangwa chekunovaona kuti vagokurukura pane zvaive zviri mupfungwa mavo. Tinobva taudzwa nezveupenyu hwatete ava, avo vainge vakarambwa nemurume wavo wechiMalawi nepamusana pekunge vabatwa vaine chikomba.
(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey