Panotizira Tandi . . .

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza —
9. TSANANGURA shanduko inoitika pamusha paVaTigere kubva panotizira Tandiwe muna Dare Retariro. [25]

Tandi paanotizira Zvidzai, pamusha paVaTigere panenge pave neruvengo. Tinonzwa nezwi remunyori kuti VaMandionei vakanga vachiti vakaona Tandi vainzwa hasha dzakanyanya nekuti vaiti aive aputsa musha wavo. Chaipa kuti vadaro kuvengana kwavaive vaita naMoses aimutsigira kuti agare pamusha pavo asi ivo vachiti aifanira kudzokera kumusha kwevabereki vake.

Panotizira Tandi pamusha paVaTigere panenge pave kugara pachiitika bopoto. Izvi zvinoonekwa VaMandionei pavanopopotedzana naMoses zuva raaive muhozi mairara Tandi. Vaipopotedzana nenyaya yekuti VaMandionei vakanga vapa Tandi midziyo ine rupau kuti azvibikire pake ega vachiti vaitya kuzadzwa utachiona hweHIV hwaaive naho. Pavanoita izvi Moses anovapopotera achiti vapise mabhachi avo ekuchechi asi vachitiwo haasi Jeso aivaudza izvozvo.

Kutizira kwaTandi paVaTigere kunoita kuti Zvidzai atize pamusha. Tinozviona Zvidzai paanooneka amai vake achivaudza kuti akanga ava kuenda kuDangamvura kunoita zvechihwindi kumakombi. Aifungidzira kuti aizodzoka Tandi akanga amutizira adzokera kumusha kwavo kuChipinge.

Panotizira Tandi pamusha paVaTigere panenge pave kuitwa matare asingaperi. Izvi tinozviona zuva ratevera patizira Tandi pamusha paVaTigere, VaMandionei vanokoka Mashama namai vake, Moses naSabhuku Sango kuti vavabatsirewo kutonga nyaya yaTandi akanga atizira Zvidzai. Baba Madzore, Sabhuku Sango, Moses naMuchaneta vanozogarazve rimwe dare naVaMandionei vachida kuti vagare naTandi zvakanaka semuroora wavo.

Urwere idambudziko rinowanikwa pamusha paVaTigere kubva panotizira Tandi. Izvi zvinobuda VaMandionei pavanenge vave kugara vachirwadziwa nemusoro vapererwa nemazano ekuti voita sei kuti Tandi adzokere kumusha kwavo sezvo zvese zvavakanga vaedza kuita zvaive zvashaya mubatsiro. Izvi zvinoita kuti vazorwara nechirwere chebhiipii ndokusitiroka rutivi rwekurudyi uye kuzotanga kunwa mapiritsi ebhiipii kweupenyu hwavo hwese.

10. Muna Dare Retariro munyori anoburitsa nzira dzakasiyana dzinogona kushandiswa kuderedza kupararira kwechirwere cheshuramatongo. Tsanangura dzimwe dzacho dzawakawana munyaya iyi. [25]

Munyori anoburitsa mapoka akazvimirira ega achibatsira kuderedza chirwere cheshuramatongo. Izvi tinozvijekeserwa nezwi remunyori paanoti kune veAIDS Awareness Society vaiita zvekufamba vachidzidzisa vanhu muzvikoro nemudzinharaunda maererano nezvechirwere cheshuramatongo.

Munyori anoburitsa machechi achibatsirawo kuderedza utachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Tinozviona panoenda Tandi kuchechi yeRoma yaive munharaunda yaigara vamwene vake, VaMandionei. Mufundisi Madzore vanounganidza vanhu vaiti vechidiki, vatendi nevenharaunda kuti vagare pasi vagonzwa dzidziso yavaida kupiwa naTandi maererano nezvechirwere cheshuramatongo.

Munyori anoburitsa vatungamiri venharaunda vachibatsirawo kuderedza chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinoonekwa kuburikidza naSabhuku Sango vanotumira mupurisa wavo kuti afambe munharaunda yavo achiudza vanhu kuti vaizofanira kuenda kuchechi yeRoma Svondo yaitevera kunodzidziswa nezvechirwere cheshuramatongo naTandi.

Hurumende iri kutorawo matanho ekuderedza kupararira kweutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Tinonzwa namukoti Sibanda pavanenge vachiudza Zvidzai naTandi vari kukiriniki kuti hurumende yaikurudzira zvavaida kuita zvekuzvipira kufamba vachidzidzisa vanhu maererano nezvechirwere cheshuramatongo chavakanga vave kurarama nacho.

Munyori anotiratidza vatungamiri vemachechi vachibatsirawo kuderedza kupararira kwechirwere cheshuramatongo. Izvi zvinojekeswa naMufundisi Madzore vaitungamirira chechi yeRoma. Vanopa Tandi mukana wekuti adzidzise vanhu vemuchechi yavo pamusoro pechirwere cheshuramatongo pamwe chete nekuzonomutsvagira mikana muzvikoro yekuti afambe achidzidzisa vana vechikoro nezvechirwere chimwe chete ichochi.

Vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vari kutorawo matanho pakuedza kuderedza kupararira kweutachiona uhu. Tinozviona kuna Tandi akanga achidzidzisa vana muzvikoro sepaMutema High nemumakereke sezvaakaita kuRoma kwaaidzidzisa vanhu pamusoro pechirwere cheshuramatongo chaairarama nacho.

Izvi aizviita achivapa yambiro kunyanya kuvana vechikoro achiti vaifanira kuzvibata kusvika vapinda musvitsa tsvene. Munyori anoburitsa maredhiyo nemapepanhau senzira iri kushandiswa kuderedza kupararira kwechirwere cheshuramatongo.

Tinonzwa natete vaTandi amai Mutema pavanomubvunza usiku hwezuva ravarara muhozi pamusha paVaMandionei vachiti aive asinawo kumbonzwa nezveutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS here chaigara chichidaidzirwa mumapepanhau nemumaredhiyo, zvaakanga atadza kuzvibata achiri kuchikoro kusvika pakupiwa pamuviri naZvidzai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey