‘Plastic money inoita’

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Plastic money inoita’

Kwayedza

VAMWE vabereki nevana vechikoro vari kupembedza chirongwa chekushandiswa kwemakadhi ekumabhanga anodaidzwa kuti “plastic money” pakubhadhara mari dzechikoro nekutenga zvinhu zvakasiyana vachiti izvi zviri kupedza dambudziko rekuti vanomira mumitsetse kwenguva yakareba kumabhanga vachida mari.

Zvikoro zvakavhurwa nemusi weChipiri svondo rapera uye nemusi weMuvhuro chaive chipata-pata apo vabereki nevana vechikoro vaibhadhara mari dzechikoro kumabhanga nekutenga zvimwe zvinodiwa.

Kwayedza yakakurukura nevamwe vavo avo vakaratidza kufarira kushandiswa kwemakadhi aya.

“Chinonetsa ndechekuti kana chinhu chichangotanga kuunzwa, vanhu vanochiramba. Asi kana vakazoziva kushandiswa kwacho, vanoona zvichiendeka.

“Plastic money yakakosha zvikuru uye kune dzimwe nyika inoshandiswa zvakanyanya zvekuti zvinotoshamisa kuona munhu achifamba akabata musvo wemari. Yakakoshera kuti vanhu havabirwe mari yavo, kunyanya apo vanenge vachida kutenga zvinhu zvikuru,” vanodaro Mai Alfonso Mutetwa vekuKuwadzana 4, muHarare.

Vanoti vakakwanisa kubhadhara mari yechikoro yevana vavo vaviri vari kubhodhingi ichibva kubhanga ravo ichienda kune rechikoro.

Paula Mungo, uyo ari kuita Form 3 paNhowe Mission, kuMacheke, anoti vabereki vake vakabhadharawo mari yechikoro nenzira iyi pamwe nekumutengera zvekunodya kuchikoro.

“Takatoona kuti zvekusweromira mumitsetse tichiforera mari kumabhanga zvinorwadza saka takangoshandisa makadhi zvekuti chero mbavha dzikatisecha hadziwani mari patiri.

“Hakuna mbavha ingaziva nhamba dzekubhanga uye ndinoona zvakakosha kuti vanhu vasiyane nekatsika kekusevha nhamba dzekubhanga dzakavandika mumafoni kana mutwumabhuku nekuti zvinoita kuti vabirwe,” anodaro Mungo.

Mumwezve mwana wechikoro, Farai Mutafuni uyo ari muForm 3 pachikoro chimwe chete ichi, anoti dambudziko riripo ndere zvimwe zvitoro izvo zvisati zvave nemichina yekuti veruzhinji vakwanise kushandisa makadhi pakutenga.

“Kune zvimwe zvitoro zvichiri kuda mari yemusvo pakutenga, kunyanya vematakishopu uye kumabhazi.

“Tinoona kuti kana vose vari mumabhizimusi anoda mari vakashandisa michina zvinofamba,” anodaro.

Zvichakadai, Beverly Ruparanganda, uyo anodzidza muForm 1 paRusitu High, anoti vamwe vana vakadzorwa kumba pazviteshi zvemabhazi nekuda kwekuti vabereki vavo vakange vasina kubhadhara mari dzechikoro neyemabhazi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey