Pondai ihonzeri

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —

5. TSANANGURA zvizere matambudziko anosangana nevatambi vari murungano rwunonzi Museve Usingapotse. [25]

Murungano urwu vatambi vanowirwa nematambudziko ekufirwa. Izvi zvinoonekwa kumhuri yaMambo Chakaingesu yaisanganisa VaTeyendere, Karinge, VaMatose nevamwewo vedunhu vanosangana nematambudziko ekufirwa naMambo Chakaingesu mushure mekunge vauraiwa nemiseve gumi neumwe naPondai kuti agosara achipamba umambo hwavo.

Vatambi vari murungano urwu vanosangana nematambudziko ekurohwa. Izvi zvinobuda Pondai paanenge akabata ndarira dzaive muhuro maKaringe achimubvunza kwaaive aisa mwanakomana wake, Tafirenyika. Apa anenge achimukwatura mambama. Chikwaikwai paanoda kuedza kupindura Pondai, anobva atsokerwa mudzonga wenyama mukanwa ndokurohwazve mbama.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambudziko ekutapirwa hama dzavo. Izvi zvinoonekwa kuna Karinge anotapirwa hanzvadzi dzake naMambo Mupambi mushure mekukunda muchinangwa chavo chekubatsira Pondai kupamba umambo hwaMambo Chakaingesu. Pondai anopa Nyamaropa akanga akamirira Mambo Mupambi mhandara gumi dzaisanganisa hanzvadzi dzaKaringe.

Vatambi vanowanikwa muna Museve Usingapotse vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa misha. Izvi zvinoitika kuna Mambo Mushoshoma panguva yavanenge vachirwara vari kudzimbahwe ravo kwavairapirwa. Mauto aMambo Mupambi anopamba musha wavo ndokusiya vauparadza, izvo zvitunha zvangoti kata kata nemusha wose.

Vatambi vari murungano urwu vanosangana nematambudziko eurwere. Matambudziko aya anowira Mambo Mushoshoma. Tinonzwa nezwi remunyori kuti harahwa dzemumusha waMambo Mushoshoma dzakanga dzakasuruvara mushure mekunge vangodonha paruvanze pavo mangwanani vachangomuka. Vakazotakurwa nedzimwe harahwa vachiendeswa kuninga yedzimbahwe ravo kwavakazonorwara zvakanyanyisa zvekutadza kutaura.

Muna Museve Usingapotse vatambi vanosangana nematambudziko ekusungwa. Tinozviona kuna Pondai paanosvika achidonhera pamakumbo aMambo Mupambi nekuneta mushure mekupoterako achitsvaga rubatsiro rwekupamba Mambo Chakaingesu. Izvi zvinoita kuti vazomushevedzera machinda avo, Nyamaropa naNhemamusasa vakazonomupfigira muimba yevasungwa.

Vatambi vari murungano urwu vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa mhuri. Matambudziko aya anobuda achiwira Nyamaropa. Tinozviona paanoudzwa naZvione mudzimai waGoritoto kuti mhuri yake yaakanga achibvunza yaive yagurwa misoro vakatarisa. Achinzwa izvi, anotanga kuchema achifunga mhuri yake yaive yaparadzwa naMambo Mupambi.

6. Pondai ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi murungano Museve Usingapotse. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]

Pondai anonokoka hondo yaMambo Mupambi kuti izorwisa Mambo Chakaingesu. Izvi zvinobuda patinomuona akarara pakati pesango arumwa nechinyavada achienda kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto ekuti arwise Mambo Chakaingesu kuti agovatorera umambo nechisimba. Izvi zvakazoguma zvakonzera matambudziko ekupambwa kwevanasikana vaMambo Chakaingesu nemombe dzavo zana naMambo Mupambi.

Pondai anouraya Mambo Chakaingesu. Tinozviona paanokoka hondo yaMambo Mupambi kuti imubatsire kurwisa Mambo Chakaingesu. Anovabaya nemiseve gumi neumwe vachibva vafa. Zvinoitika panguva yavanobva kuninga vachimhanyira kunorwisa mamwe mauto aMambo Mupambi aive pedyo nemuzinda. Pondai anobva asara achibvuta umambo hwavo. Izvi zvinokonzera matambudziko ekuti vanhu vemhuri yamambo nevedunhu varasikirwe neupenyu hwaMambo Chakaingesu.

Pondai anofurira Tafirenyika mwanakomana wake, kuti azouraya Karinge vaenda kunovhima. Zvinoonekwa Tafirenyika paanenge ari musango achivhima nevamwe vake. Anombozvikakavadza kuti aite zvaakaudzwa nababa vake ndokuzotanga kunyahwaira shure kwaKaringe achivavarira kumuuraya nemuseve kuti agosara ave mwanakomana wamambo. Izvi zvinoita kuti Karinge azobviswa nzeve nemuseve waive wakandwa naTafirenyika achida kumuuraya.

Honzeri yematambudziko ndiPondai nekuti anobva netsori dzehondo kwaMambo Mupambi. Tinozviona paanobva kwaMambo Mupambi aine tsori dzinoti Marizani naKunjerekunjere ndokuvasiya mugomo raMadetswa kuti vazoongorora mafambiro aMambo Chakaingesu vachienda kuninga yavo. Izvi zvakazokonzera matambudziko ekurumwa nenyoka kwaKunjerekunjere ari munzira kudzokera kumusha ndokufa, mudzimai wake akasara ave shirikadzi. Pondai anovimbisa kuuraya Karinge. Izvi zvinojekeswa paanosunga Karinge mbiradzakondo nemadandadzi zuva raabva kusango kunovhima usiku achiti aida kuzomuuraya pamwe chete neshamwari dzake dzaaive nadzo sezvo vaive vaurayawo mwanakomana wake. Izvi zvakaita kuti Karinge azotiza pamusha achinopinda muusungwa kwaMambo Tineshungu kwaaive apotera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey