Queen Kanengoni auya naWaponeswa

02 Oct, 2023 - 14:10 0 Views
Queen Kanengoni auya naWaponeswa Queen Esther Kanengoni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidiki, Queen Esther Kanengoni, wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, akabura dambarefu idzva rechitendero rinonzi “Waponeswa” iro akabva abika nevhidhiyo racho.

“Kuburikidza nerwumbo Waponeswa, ndinoda kusvitsva shoko kuvanhu kuti ngativimbe naMwari pana zvese chero zvikanetsa sei nekuti mukurarama kwedu kune vanoshereketa kuti tisabudirire muupenyu. Asi Mwari varipo pakutirwira nekutiponesa kubva mukanwa meshumba. Mwari vedu vanoponesa mweya yedu uye vanotifambisa panzira dzakarurama,” anodaro Kanengoni.

Anoenderera mberi achiti: “Ndinotenda zvikuru mushandirapamwe wandakaita naMichael Tawanda ‘SaMukoko’ Mukoko pakugadzirwa kwevhidhiyo iri zvikaita kuti ribude zvakanaka.”

Mumakore adarika, Kanengoni akabura dambarefu rinonzi “Gore” rine nziyo nomwe uye anoti ari kubika rimwe dambarefu zvekare.

Muimbi uyu akakurira muchitendero nokudaro anoti anoona kubata kwaMwari nguva dzose zvinomupa shungu dzekuramba achiimba nzimbo dzechitendero senzira yekukwezva vazhinji kuti vatendeuke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey