Revai aitowana hushe atanga ambotambura

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 8 (Ongororo: Enderero mberi)
Patinoverenga paPeji 82, panoti “Zvisinei ndichayedza sekushandisa kwandakaita njere dzangu ndikakunda” mumusoro medu munotanga kurira madare anotiyeuchidza nezvemusoro webhuku iri “Ndinofa ndaedza”.
Tsumo dzinopa udzamu kune zvinenge zvichitaurwa. Yatinotanga kusangana nayo ndeyokuti “Kugarika tange nhamo” (79). Kuti Revai ave ishe, azove neugare, aizowana izvi ambotambura zvikuru. Izvi zvainge zvisingauyi nyore nyore sekucheka majarina nebanga rinopisa. Muupenyu hwake, Mambo Machingauta pane mazuva ayo ainge achiri mudiki achatemwa dzinobuda ropa asi iye zvino yave hari yofanzirofa. Saka vachiti kuna Revai,  “Chinokura chinokotama, nhasi musoro wegudo chave chinokoro” (80).

Revai anokurumidza kuda kuziva zvainge zviri mubinga asi sekuru vake vanomudzora vachiti, “. . . kumhanya handiko kusvika” (82). Kukurumidza kuda kuziva nezvebinga iri handiko kwaiita kuti azogona kuziva zvose zvaivemo. Munhu kunyangwe akaipa zvakadini, panotove nekamwewo kana chimwe chakanakawo paari. VaMufarinya vainge vakanyimwa runako rwepameso asi vaive nemwoyochena”.

Madzimai aMambo Machingauta vakatanga katsika kekusawirirana kari kadiki asi kakazokura kusvikira panhanho yematauriro ari paPeji 86. Saka munyori achiti, “. . . kakokorodzi kadikidiki kanokura koita kakova kochizoguma rwave rwizi rukuru chairwo” izvo zvinotiyeuchidza tsumo iya inoti kamoto kamberevere, kanopisa matanda mberi. Nekudaro Revai anoona kuti chembere idzi dzaida kugara dzichiruramiswa.

Enzaniso ndidzo dzatinoona dzakashandiswa zvebasa. Ishe Machingauta vaive nezvaivanetsa zvainge zvakakura kwazvo kana kuti mutoro wairema “sezidombo guru” (79). Sekuru vaRevai vanoona kuti vachembera, zvechokwadi hapasisina zvizhinji zvavachagona kuita, saka vachiti vapera “sekupera kunoita nhehwe isingatungike pakare” (79). Vava kuona kuti vava pedyo nekupinda muguva izvo vanoti vakangoti tsemu “segate remusungwa” (79).

Ishe ainge aine basa rakaoma zvikuru rekuona kuti ndiani angave ishe mutsva voona kuti Revai ndiye akakodzera asi basa iri rainge rakaoma zvikuru se“moyo wemuvanga” (80). Pavanenge vachitaura kuna Revai vanokosora gosoro rinototyisa “kunge voda kuburitsa rurimi rwose kunze” (80). Sekuru vanodzokorodza kutaura kuti basa rekupa munhu ushe rakaoma chaizvo “segomo raunoona Mutenure” (81).

Pakutaura kwavanenge vachiita, ishe vanozosvika apo izwi ravo rinozhezhera zvekuti vaiguma vonyarara mweya vapera “sengoro inokunguruka pamutenure” (82). “Nhombo” kadombo kakatenderera kanotsvedzerera kanoshandiswa pakuumba hari, kukuya fodya kana kukweshesa madziro kuti apenye. Pasi pemadziro emba yakavhurwa mumuti ayo ainyatsotsvedzerera  “kunge mhombo yakwegura nebasa” (84) ndizvo zvakaonekwa naRevai.

Parinda guru vanoona matombo aivaima “sezuva” mabwe acho aipa chiedza chaipenya “sejenaguru” (85).
Mukudetemba kunoita Ishe Machingauta tinoona muchitaurwa dingindira rekuramba wakaomera naizvo zvainazvo vachiti vadzimu vavo ngavarege kuomera nemakomborero “semunhenga wenyu wamusingadonhedze kana dai zvotsvuka ropa” (86).

VaMufarinya vaona kuti murume wavo aneta saka achivati vainge votadza kufema “sechiva chatsikwa” (86). Upenyu hwakararamwa naRevai hwaive hwekutambura saka sekuru vachiti muzukuru wavo akange apona netsombori “segudo” (87). Pakutaura, VaMufarinya vaiita izvi vachizororera, “kunge zvinonzi huro yavo yaimbovhara” (87). VaMufarinya vainge vachiita zvavo zvejee naRevai asi VaMandivava ndipo pavanopfachurira mavhunze “sendava nyama,” vanodaro VaMufarinya (87).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey