Uncategorized

Shamwarikadzi yababa yonetsa nemendenenzi

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema

VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe musikana akati shamwarikadzi yababa vake iri kumunetsa ichiti anofanira kubhadhara mari yemendenenzi sezvo baba vake vasiri kuzivikanwa kwavari.Bridget Gebede akaudza mutongi Gamuchirai Siwardi wedare reHarare Civil Court nguva yadarika kuti ashaiswa rugare neshamwarikadzi yababa vake, Maria Dunkuan.

“Ishe wangu ndaoneswa ndondo naambuya vamuri kuona ava. Vanouya kumba kwandinogara vachipwanya midziyo nemahwindo vachiti vanoda mari yemendenenzi kwandiri, handizive kuti ndakavaitisa mwana here ini? akadaro Gebede.

“Ndinombozama kutaura navo asi havanzwisise vanenge vachingoti ndiudze kuna baba vako ukasadaro handibve pano.”Dunkuan akaudza dare kuti akaita chibvumirano nehama dzababa vaGebede kuti apote aichitora mari yemba inobhadharwa nemaroja kutsviva yemendenenzi sezvo baba vake vasiri kubhadhara mari uye havasi kuzivikanwa kwavari.

“Mambo wangu ini ndinopokana nezvose zviri kutaurwa nemwana uyu. Ini ndiri mudzimai wababa vake nekuti akandiitisa mwana. Takamboenda kumatare akanzi andibhadhare mari yemendenenzi akaita mwedzi yakati kuti asina kundipa ndikanomhan’ara kumapurisa akambosungwa.

“Abuda mujeri akauya akamboti bhadharei akabva amira. Izvozvi handisi kuziva kuti ari kupi kutaura kuno saka hama dzake ndidzo dzakati kupera kwemwedzi woga-woga munonotora mari kumba. Saka ndipo pandinoenda kunobvunza mari nekubvunzawo mwana uyu kuti baba vake vari kupi vanovawo murume wangu,” akadaro Dunkuan.Mutongi Siwardi akapa Gebede gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey