‘Simudzirai vaimbi vechidiki’

13 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
‘Simudzirai vaimbi vechidiki’ Tatenda Kanoyangwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI ari kusimukira – Tatenda M Kanoyangwa (31) – uyo anoimba nechikwata chake cheWembada Express wekudunhu raMambo Chikore, kwaMakoni, kuManicaland, akabura dambarefu idzva rechitatu rinonzi Tsvimbo Yemashoko rine nziyo nhanhatu uye anoti zvakakosha kuti mapuromota atsigire vaimbi vechidiki.

Nziyo dziri padambarefu idzva iri dzinosanganisira Mwana Huchi, Gwara Renzou, Emerine, Wongorora Mbeu, Mari Muyenzi naHakuna Chakanaka.

“Dambarefu iri rinobata tsika nemagariro takatarisana nevechidiki vachada kuzopinda muwanano apo ndinoraira kuti vazvipe nguva yekufunga vasati vapinda muwanano. Kudzidzana kwakakosha muupenyu, mungava mukugarisana pabasa nehushamwari.

“Kune vakawanda vakamhanyira kupinda mudzimba nevanhu vavainge vasiri kupindarana navo mupfungwa nemaitiro, asi dzimba idzodzo hadzina kuzomira zvichizosiya vana vachitambura,” anodaro.

Kanoyangwa anoti mudambarefu rake iri ane nziyo dzinoyambira zvekare veruzhinji kuti vasatambise mikana yavanowana muupenyu.

“Kune vamwe vakawaniswa mikana yekuenda kuchikoro chaiko kana kuti yemabasa akanaka anoyemurwa nevamwe asi ivo havaoni kukosha kwenzvimbo dzavanenge vari zvinotoonekwa nevari kure. Mikana iyoyo vanozoidemba vadzingwa zvikoro nekuda kwekutora zvinodhaka kana kuti munhu anodzingwa basa abhehura vanhu nemotokari apo anenge akadhakwa kana kuti akashandisa chitambi chechikiribidi.

“Mikana kana taiwana ngatiishandisei nemazvo tigova neramangwana rakajeka nekuti ukashanda nesimba unobhadharwawo zvakanaka mhuri yako yofara,” anodaro.

Kanoyangwa anoti sevaimbi vachiri kusimukira, vanosangana nematambudziko akawanda apo vanokundikana kuwana mapuromota.

“Patinotsvaga rubatsiro, hapana anoda kutitsigira nekuti hatizivikanwi zvakanyanya. Kana kutsvagawo kwekuridzira vatonoda munhu ane zita rakaita mbiri kudhara.

“Naizvozvo zvinoita kuti titadze kupinza mimhanzi yedu muvanhu zvakanaka. Pamwe pacho tinonzi huyai muridze mahara nzvimbo iripo asi isu hatina midziyo yekushandisa kana mari yekuti tishandisewo zvevamwe. Nekuda kwekushaiswa mikana, tinopedzisira tarasa tariro asi zvipo nechikwata zvinenge zviripo.

“Izvi zvinoita kuti titorerwe nziyo dzatinenge takanyora kana kutsikisa nevane mazita ane mukurumbira iri nyaya yekushaya,” anodaro.

Anoti akatanga chikwata cheWembada Express mugore ra2012 asi akambomira nekuda kwekushaya zvikwanisiro.

“Mugore ra2016, ndakabura dambarefu rinonzi Ndiratidzei Nzira rine nziyo nomwe. Ndakamboridza nechimwe chikwata chichiri kusimukira chinonzi Wise Friends. Muna2017, ndikapinda muchikwata che3 Brigade Buffalo’s Band kunoridza rhythm guitar zvakare.” anodaro.

Kanoyangwa anoti anotenda zvakanyanya Madzibaba Nicholas ‘Senior Lecturer’ Zachariah uyo akamutsigira pane mamwe masho-o aakaita kuChitungwiza uye Josphat Somanje waakaimba naye nechikwata chake cheSomanje Stars mumakore aakatanga kupinda munyaya dzemimhanzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey