‘Siyanai nemakireshi emukoto’

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘Siyanai nemakireshi emukoto’

Kwayedza

HURUMENDE inoti kutanga gore rinouya, vana vanenge vasina kuwana dzidzo yeEarly Childhood Development (ECD) muzvikoro zvemakireshi zvanyoreswa zviri pamutemo havazotenderwa kutanga Grade 1.

Izvi zvinotevera kunyuka kuri kuita zvikoro zvekireshi zvemikoto mumaguta nemadhorobha akawanda.

Vachitaura svondo rapera pachikoro cheMpumelelo Primary School kuMpopoma, kuBulawayo mushure mekuchipa mubairo weSecretary’s Bell Merit Award wegore rino, munyori mukuru wedzidzo yepuraimari nesekondari – Dr Sylvia Utete-Masango – vanoti vabereki vanoendesa vana vavo kunoita zvidzidzo zveECD kuzvikoro zvisina kunyoreswa vari kupedza nguva yavo.

“Nekuda kwekuti pano pane vabereki vauya vakawanda, ndinoda kutaura zvakajeka kuitira kuti pasazowana vanoti ‘ndakanga ndisingazvizive’ senzira yekuhwanda nayo. Musaendese vana venyu kuzvikoro zvemikoto zveECD. Izvo zvamunoona zvakawanda zviri kungonyuka mumaguta nemadhorobha hazvina kunyoreswa zviri pamutemo uye zviri kukonzera matambudziko,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vana vanobva nekuzvikoro zvakadai havakwanise kuenderera mberi kuGrade 1. Vanotoenda kuzvikoro zveHurumende, votanga patsva kubva kuECD sevamwe vose.

“Zvifungei kuti mwana wako ane makore 7 kana 8 ekuberekwa achidzidza pamwe chete nevane makore 4 mukirasi yeECD A nekuda kwekuita kwevabereki!”

Vanorumbidza vabereki vepachikoro ichi nekutsigira zvirongwa zvepo kuburikidza nekuungana kwavakaita musi uyu.

“Ndinofara kuti vabereki vauya vakawanda kuzotsigira vana vavo, zvakasiyana nezvandakaona kune zvimwe zvikoro uko kwawaisaona kana mubereki mumwe anenge ari pagungano rakadai,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanokurudzira vakuru vezvikoro pamwe nemakomiti emaSchool Development Committees kuti vakoshese kuvandudza zvivakwa zveECD, vachiti zviri muzvikoro zvakawanda hazvisati zvasvika padanho rinotarisirwa.

Mpumelelo Primary School yakavambwa muna 1961 uye aka ndekekutanga kuwana mubairo weSecretary’s Bell Merit Award.

Mubairo uyu unosanganisira malaptop 45 ezvidzidzo zveE-Learning, projector neinteractive board, izvo zvose zvinokosha $10 000. Mubairo uyu wakatsigirwa nebhanga reFBC Bank. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey