Swansea yotyira Llorente

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Swansea yotyira Llorente Fernando Llorente

Kwayedza

MURAIRIDZI weSwansea – Paul Clement – anoti aityira zvikuru kuti Chelsea ingaedze kutenga mutambi wayo, Fernando Llorente, kubva kuchikwata chake muna Ndira adarika. Izvi zvinotevera mamwe mashoko aitenderera ekuti mutambi uyu – uyo akahwina mukombe weWorld Cup neSpain – ari kuenda kuChelsea uko aizonokwikwidza naDiego Costa kupinda muchikwata chaAntonio Conte.

Asi mutambi uyu, uyo ari kutamba nhabvu inonwisa mvura kuSwansea iyo iri kurwira kusaburitswa muPremier League, acharamba ariko uye achangobva kunwisa kanomwe mumitambo 11 yadarika.

Clement anoti matambiro aLlorente apo akanwisa kaviri pavakakunda Liverpool 3-2, ndiwo akamuita kuti arambe ari kuSouth Wales. Paakabvunzwa kuti Llorente acharamba ariko muna Ndira, Clement akapindura kuti, “Kwete, ndaisazvifunga.”

“Asi pakangopera mutambo weLiverpool, ainzwa zvakanaka. “Tinofara naye, tiri vamwe saka kana achifara tinonzwawo kufara, hapana chekubvira kuno.

“Hongu zvinhu zvinombouya mupfungwa dzemutambi asi muhurukuro dzangu naye, ari kufara kuve ari kuno. “Ave kutanga kuona matambiro ari kuita chikwata uye mutambi akakosha chaizvo kwatiri.”

Swansea iri pedyo nekutenga mutambi weGhana – Jordan Ayew – kubva kuAston Villa uye mumwe mutambi wayo Neil Taylor ari kuendawo kuchikwata ichi. Dhiri iri richaona Villa ichipihwa mari inosvika £5 miriyoni. – Daily Mail Football.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey