Uncategorized

‘Takwangwaya pachipari’

20 May, 2021 - 14:05 0 Views
‘Takwangwaya pachipari’ TSITSI MUDARIKWA

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MADZIMAI matatu ari pabarika emubhuku rekwaRubatika, kwaMambo Seke, vanoti vaomerwa neupenyu vachiti vava kudya nhoko dzezvironda.

Madzimai aya ndiSarah Kahunhu (24) anova vahosi, Tsitsi Mudarikwa (20) wechipiri naMonica Kahunhu (20) anove nyachide – vose vanoti vari kupona nehwaku mukwaku sezvo murume wavo, Michael Chipwanya (30), ari kukundikana kuvariritira.

Mhuri iyi inopinda chechi yeJohanne Marange. Mai Tsitsi Mudarikwa vanobuda pachena kuKwayedza kuti vari kutambura zvikuru.

“Maiguru vangu Sarah Kahunhu ndivo vakatanga kuroorwa ini ndikazouya semudzimai wechipiri apo tose taigara kumusha kwedu kwaMutoko. Amaiguru Sarah vakazonotorawo munin’ina wavo, mainini Monica Kahunhu, kuti tigare tose pamurume mumwe chete,” vanodaro Mai Mudarikwa.

Vanoti kubva pavakaroorwa, inongova nhamo yoga-yoga mukurarama kwavo. “Amaiguru vane vana vatatu, ini ndine vana vaviri uye ndakafirwa nemumwe chete. Mainini vane mwana mumwe chete. Vamwe vevana ava vanofanirwa kunge vachienda kuchikoro asi havakwanise nekushaya mari nekuti tose madzimai tinogara kwakasiyana tichichengeta dzimba dzevanhu sezvo tisina musha watinoti ndewedu,” vanodaro Mai Mudarikwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Murume wedu anoshandira imwe kambani yemabooster uko anotambira US$70 pamwedzi isingakwane kwatiri madzimai matatu nevana vedu vatanhatu. Kudya chaiko anotengera mudzimai woga-woga paketi reshuga 2kg, paketi yerice 2kg nemarita maviri emafuta pamwedzi zvobva zvapera zvakadaro. Sauti nezvimwe kutoenda kumaricho.”

Vanoti vabereki vavo varombo nekudaro havakwanise kuvabatsira.

“Tinogara upenyu hunorwadza, kunyanya inini ndinorwara zvinoda kuti ndipote ndichienda kuchipatara. Nekuda kwekuti ndinoda kubatsirwa, ndakabuda chechi yababa (yemurume) zvekuti ndava kunamata yangu inobvumidza kuti ndiende kuchipatara. Baba vangu varombo, havagonewo kundibatsira,” vanodaro.

Mai Mudarikwa vanoti tezvara wavo vakashaika vakasiya madzimai mapfumbamwe nevana vanodarika makumi maviri nekudaro havakwanise kuwana rubatsiro kubva kune vemhuri yemurume wavo.
“Kudya chaiko hatimboziva kuti nhasi tinodyei.

Zvimwe chete naamaiguru vangu naamainini, tiri kufa nenzara mudzimba dzedu nevana. Sipo chaiyo yekugezesa hatiizive, tinogeza nemvura yakadaro. Murume wedu akauya kuno anoraramawo nemaricho muno nekumapurazi,” vanodaro Mai Mudarikwa.

Mamwe madzimai maviri ari pachipari ichi akawanikwa neKwayedza asipo sezvo ainzi aive aenda kumaricho uye vakazotaurwa navo panhare vakatsinhira nhamo yavari kuona mukurarama kwavo.
Mai Sarah Kahunhu vanoti, “Minda chaiyo nemapindu ekurima hatina zvekuti tinorarama nemaricho, baba mari yavo ishoma.”

Mai Monica Kahunhu vanoti upenyu hwakavaomera zvikuru.

“Taikumbirawo kune vanogona kutibatsira kuti tikwanise kuwana mabhindauko ekuita anosanganisa kupfuya huku nezvimwe,” vanodaro Mai Monica Kahunhu.

VaChipwanya vanotiwo mhuri yavo iri kudya nhoko dzezvironda.

“Upenyu hwatiomera ini nemhuri yangu nemadzimai matatu. Basa rangu ndinotambira mari shoma, ndikawana zvangu nzvimbo yekurima kana mari yekupfuyawa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey