‘The Messenger’ ofamba naro shoko

20 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
‘The Messenger’ ofamba naro shoko Freddy ‘The Messenger’ Baloni

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero – Freddy ‘The Messenger’ Baloni – anoti ari pachitsidzo chekutenderera nyika yese achiparidza vhangeri rekutendeutsa vanhu nekuita mashoo.

The Messenger, uyo achagobva kubura dambarefu rake rechinomwe rinonzi “Munamato Yangu Yapindurwa” anoti chirongwa ichi chakauya mushure mekuona kuti kune dzimwe nzvimbo hakuzi kusvika vaimbi nevanoparidza shoko raMwari.

“Nyika yedu yeZimbabwe yakakura zvikuru zvekuti kune dzimwe nzvimbo dzekuti vaimbi hatiendeko kunoridza saka ini ndinoda kutenderera nyika yese ndosvika kunzvimbo idzi ndichinoita mashoo nekuparidzira vanhu.

“Kuenda kunzvimbo idzi kuchandibatsirawo semuimbi kuti ndikure mune zvemhanzi pamwe chete nekushambadza nziyo dzangu,” anodaro.

Baloni, uyo anotungamira chikwata cheThe Power of Praise, pari zvino ari kupisa nekambo kanonzi “Mufaro” kepadambarefu rake idzva – Munamato Yangu Yapindurwa – ako kari kurira panhepfenyuro dzakasiyana.

Anoti ari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa dambarefu rake idzva iri izvo zviri kumutuma kuti agoramba achishanda nesimba kubika nziyo itsva.

“Vatsigiri vemhanzi vandigamuchira zvakanaka izvo zvinofadza zvikuru, saka zviri kundituma kuti ndirambe ndichishanda nesimba ndichibika nziyo dzakawanda dzinodzidzisa vanhu nezvekunaka kwehumambo hwedenga.

“Kugamuchirwa kwandiri kuitwa ndiko kuri kundituma kuti ndigofamba nyika yese ndichiridzira vatsigiri vangu senzira yekuvatenda,” anodaro.

Baloni anozivikanwa nedzimwe nziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Vaka Zimbabwe, Ahoi Jesu weNazaretha naMunamato Wangu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey