Tichabatsira Africa: WHO

07 Mar, 2021 - 13:03 0 Views
Tichabatsira Africa: WHO Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti rakazvipira kutsigira nyika dzose dzemuAfrica kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye kusimbaradza nyaya dzeutano.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChina svondo rino vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO – vanoti mushonga wekudzivirira kupararira kwedenda iri (vaccines) pasi pechirongwa cheCOVAX wakatanga kusvika kunyika dzine chitsama dzemuAfrica.

“WHO inoramba yakazvipira kutsigira nyika dzose dziri muAfrica nedonzvo rekupedza chirwere ichi uye nekusimbaradza nyaya dzeutano,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti pari zvino, vanhu vanosvika 4 miriyoni vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica apo vamwe vanodarika 100 000 vafa.

Vanoti kubvira pakatanga denda iri, WHO nevatsigiri vayo vari kushanda siku nesikati kuitira kuti pave nekuwanikwa kwakaenzana kwemushonga wekudzivirira chirwere ichi nezvimwe zvinodiwa.

“Svondo rino Ghana neCôte d’Ivoire dzakaita nyika dzekutanga kuwana mushonga wemajekiseni wekudzivirira chirwere ichi pasi pechirongwa cheCOVAX.

“Mushonga uyu wakasvika zvakare kuAngola, Democratic Republic of the Congo, Gambia, Kenya, Lesotho, Nigeria, Rwanda, Senegal neSudan,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti kubva iye zvino kusvika panopera mwedzi waChivabvu, majekiseni 237 miriyoni anenge asvika kunyika 142 dziri kubatsirwa pasi pechirongwa cheCOVAX.

“Izvi zvinhu zvinofadza, asi tichine basa guru rekuita,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti maitiro eCovid-19 anoshamisa, zvichitariswa kuti kune dzimwe nyika dzakabudirira zvikuru denda iri rakapararira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nedziri muAfrica idzo dzakakwaniswa kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Izvi zvinodaro – tinotenda Africa – nekudawo kwekuti yave nenguva refu ichitevedza zvinodiwa panyaya dzeutano maringe nekudzivirira kunyuka kwezvirwere zvinopararira nekukasika,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti zvakakosha kuti Africa irambe yakabatana mukurwisa chirwere ichi.

Zvisinei, Dr Tedros vanoti kunyangwe zvazvo kuuya kwemushonga wekudzivirira Covid-19 kuchibatsira mukurwisa denda iri, pane mamwe matambudziko agara aripo ayo anoda kugadziriswa.

“Hapanai mushonga wekudzivirira hurombo, nzara, kusaenzaniswa kwemikana, kusanduka kwemamiriro ekunze, kuroodzwa kwevanasikana vachiri vadiki nemamwe matambudziko anosanganikwa nawo nevanhu zuva nezuva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey