Uncategorized

Ticharamba tichisimudzira vatori venhau: Zimpapers

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Ticharamba tichisimudzira  vatori venhau: Zimpapers Muzvare Tonhodzayi

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, svondo rapera yakatsigira makwikwi evatori venhau eNational Journalistic and Media Awards (NJAMA) ayo akaitirwa muguta reHarare nemari inosvika $10 000 nechinangwa chekusimudzira basa revatori vevanhu.

Mumakwikwi aya, Zimpapers yaishanda pamwe chete nesangano rinomirira vatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ).

Mukushi wemashoko kuZimpapers, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, vanoti kambani yavo inoda kuita zvakawanda munyaya dzekusimudzira indasitiri yezvenhau.

“Ndisu kambani huru uye yepamusoro-soro munyaya dzezvenhau.

‘‘Tarisai iye zvino tiri kuwanikwa kwose-kwose – kumapepanhau, redhiyo, terevhizheni nepadandemutande (digital platforms). Saka zvine musoro kuti tiite chikamu chedu mukutsigira basa revatori venhau,” vanodaro.

Muzvare Tonhodzayi vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kuita zvakawanda mukusimudzira basa rezvenhau mugore rinotevera. Zimpapers yange ichidzidzisa vatori venhau vayo kuti vakwanise kutora nhau dzinoenderana nemabandiko ayo ose. Iyi itsika itsva yave kuitwa nemakambani ose ari mune zvenhau.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey