Tinoda vechidiki: Mangwiro

11 Feb, 2022 - 13:02 0 Views
Tinoda vechidiki: Mangwiro

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI mutsva weHarare City, Taurai Mangwiro, anoti adzoka kuchikwata ichi nechinangwa chekuvaka vechidiki avo vachazove vatambi vemuPremier Soccer League mune remangwana uye nekusimudzira nhabvu yevanhukadzi.

Mangwiro akadzoka kuHarare City masvondo adarika zvichitevera kusiya basa kwaakaita kuTriangle United iyo yaange ane makore mazhinji achirairidza.

Akatsiva Lloyd Chitembwe uyo akasiya basa kumaSunshine City Boys, sezita remadunhurirwa reHarare City, achidzokera kuCAPS United.

Mangwiro, uyo akahwina mukombe weChibuku Super Cup mugore ra2015 neHarare City, anoti kudzoka kwake ane zvirongwa zvakawanda zvaachashanda kuchikwata ichi zvinosanganisira kusimudzira vatambi vechidiki uye nhabvu yemadzimai.

“Rimwe remabasa angu kuHarare City kuvaka vatambi vechidiki vari muHarare, vakomana pamwe nekusimudzira nhabvu yemadzimai. Ndichange ndichifamba ndichitenderera muzvikoro zvakasiyana zviri muHarare nekuti zviri pasi pedu ndichidzidzisa nhabvu ndichibika vatambi vechidiki.

“Zvakakosha kuti titange kugadzirira nhabvu yedu yemangwana iye zvino nekuvaka vechidiki avo vachazomirira chikwata chedu. SeHarare City, tine chikwata chemadzimai saka tichange tichishanda navo zvekare,” anodaro.

Anoti mukudzoka kwake haadi kufunga nezvenguva yaakamborairidza chikwata ichi uye ave nezvimwe zvaanotarisira sezvo nhabvu ichishanduka nguva dzose.

“Nhabvu inogara ichishanduka nguva dzose, saka hatifanire kutarira zvekumashure zvakamboitika.
“Pasi rose, nhabvu iri kushanduka nguva nenguva saka unotofanirwa kufambidzana nenguva nekuti ukasaita kudaro mubasa iri hakuna kwaunosvika, basa rinopera. Saka munhu anofanirwa kugara achizvisimudzira magwaro ebasa iri,” anodaro.

Zvakadaro, mitambo yePSL iri kudzoka svondo rino zvichitevera kumiswa kwayakamboitwa gore radarika.

Pakamiswa mitambo iyi, zvikwata zvainge zvatamba mitambo mitatu kana miviri.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, Chicken Inn ichasangana nevakomana veTenax avo vakapinda muPSL kekutanga mwaka uno nemusi weMugovera.

Pamitambo yatambwa neChicken Inn miviri, yakahwina wekutanga apo yakakunda Cranborne Bullets 1-0 ndokuzokundwa neFC Platinum 2-1.

Kuchiti Tenax yakazvambaradzwa 6-1 neFC Platinum ndokuita mangange 2-2 neWhawha.

FC Platinum ichananga kuBulawayo uko ichasangana neBulawayo Chiefs kuLuveve nemusi weSvondo kuchiti Black Rhinos ichange ichibandana neCAPS United kwaMutare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey