Tora kurima sebhizimisi

11 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Tora kurima sebhizimisi

Kwayedza

naS. Chikobvu

NDEZVIPI zvatinotarisirwa kuita mwaka usati watanga, uri pakati uye wapera?
Mwaka usati watanga:

• Kurima ibhizimusi nekudaro zvinoda kubatwa sechinhu chimwe chete. Mitemo yose yebhizimisi inoitwa mune mamwe mabhizimisi inoda kutevedzwa mukurima.

• Semamwe mabhizimisi, varimi vanofanira kudzidza kuisa mari mukurima kwavo. Izvi zvinosanganisira kutenga zvekushandisa nemazvo uye zvinokurudzirwa (mbeu chaiyo nefetiraiza yekakodzera), kuisa mari pamunda kuburikidza nekugadzira zvivakwa, zvingava zvekudiridzira kuitira kuti tirime nguva dzose dzegore.
• Ngatirongei pachine nguva marimiro atichaita.

Mabhizimisi anoiswa zvibodzwa zveramangwana (targets) nezvinangwa pamwe nenzira yatichashandisa.
Ronga zvaunoda kuita, nguva yaunoda kuzviita uye kuti unoda kuzviita sei.
Ndezvipi zviwanikwa zvinodiwa uye ndekupi kwauchawana zviwanikwa izvi? Varimi vanofanira kuronga pachine nguva mabasa ose ekurima sekuti vacharima sei, mamiriro evhu, vashandi vanodiwa, mbeu inodiwa uye nguva yekugadzirira ivhu, kurima, kukohwa nekutengesa goho ravo.

Gwaro rinonyorwa mabasa

• Isa zvinangwa. Gadzira chirongwa chekurima, sarudza basa uye zvekushandisa zvinodiwa. Ronga mashandiro nenzira kwayo kuti uzadzikise zvinangwa zvakatarwa.
• Gadzira bhajeti kuti uone zvaunoda uye kuti zvinoita marii.
• Garai maongoreresa ivhu renyu muchigadzirisa pH moisa fetiraiza zvinoenderana nezvinodiwa nechirimwa.

Pakati pemwaka:
• Nyorai pasi mabasa ese kana angoitwa uye garai muchiongorora zvirongwa zvenyu. Varimi vanofanira kuchengeta zvinyorwa zvemamiriro ekunze, zvekudyara, marisiti ekutenga nekutengesa kuitira kuronga ramangwana ezvese zvinenge zvaitika pamunda.
• Itai mabasa enyu ose nenguva. Varimi vanofanira kuona kuti mabasa ekurima aitwa nenguva, sekuti kurima nekudyara.

Tinoti murimi ngaadyare nemvura yekutanga nekuti kunonoka kudyara kunoderedza goho. Kunonoka kurima kunogona kudhurira bhizimisi, semuenzaniso, kunonoka kudyara kana kusakura mbesa kunogona kuderedza goho zvakanyanya. Mari kana zvimwe zvinoshandiswa zvinofanirwa kushandiswa nehungwaru uye zvichinyorwa pasi mashandisirwe azvaitwa.

• Varimi vanofanira kutarisa nekuongorora mashandiro epapurazi vaone kuti aitwa zvinoenderana nezvirongwa. Kana paine pasiri kufamba zvakanaka, pobva pagadziriswa pachine mukana.
• Mari ngaishande ichibva kubhanga repurazi kwete kubva muhomwe. Izvi zvichabatsira mukuchengetedza magwaro (records) uye kuona kuti mari yese inoshandiswa mubhizimisi rekurima yafambiswa sei.

• Mabhizimisi anoramba achitarisa zvinoitika mukati nekunze kuitira kuona pane mikaha pobva pagadziriswa.
• Svinurirai mikana yose yamuinayo. Mabhizimisi anogara achitsvaga budiriro inopa mikana nekuishandisa. Varimi vanofanira kugara vachitsvaga mikana yakanaka yekuita bhizimisi uye kuzviita nenguva.

Semuenzaniso, vatengi vakawanda vanenge vachitsvaga nyama munaZvita saka pane mukana wekutengesa mbudzi nemitengo iri pamusoro kudarika munaNdira.

Panopera mwaka:
• Ongororai zvinyorwa zvenyu zvose. Cherechedzai matambudziko ose akasanganikwa nawo. Rongai zvemwaka unotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey