‘Tsigiraiwo tsiva yemadzimai’

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Tsigiraiwo tsiva yemadzimai’ Kudakwashe Chivandire (kuruboshwe) achiita gadziriro dzake naClyde Musonda weDelta Force Boxing Promotions uyo anove murairidzi wake nguva yadarika

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wetsiva wechidzimai Kudakwashe Chivandire ari kuchema-chema zvikuru kuti vanhukadzi havazi kuwana rutsigiro rwakasimba mumutambo uyu izvo zvave kuvaona vachienda kunotambira kune dzimwe nyika. Chivandire anoti Zimbabwe yakabura vatambi vetsiva vechidzimai vakaita saDiana Makumbe naMonalisa Sibanda avo vakaita mukurumbira zvakanyanya asi havana chekurakidza chakabva mumutambo uyu izvo zvakazomutuma kuenda kunotambira kunyika yeMalawi.

Chivandire ave kutambira tsiva yake kuMalawi ari pasi pekambani yeNo Pain No Gain Boxing Promotions. Kuenda kwaakaita kuMalawi achibva muZimbabwe, Chivandire anoti kwakakonzerwa nekushaya rutsigiro pamwe nevakotsveri vanosimudzira mumutambo uyu.

“Mukatarisa vatambi vakaita saEsther Phiri wekuZambia anoyemurwa zvikuru kunyika yake uye anogara hupenyu hwakanaka uho hwaakawana kuburikidza netsiva. “Asi muno rutsigiro rwacho hatisi kurwuwana zvekuti tingasimukire kusvika padanho iroro. “Iye zvino ndave kuMalawi uko kwandave kutambira tsiva ndiri pasi peNo Pain No Gain Boxing Promotions.

“Ndinodawo kuita zviri kuitwa naCharles Manyuchi kuhwina mabhande makuru mutsiva asi kuti ndisvike padanho iri ndinofanirwa kutanga ndawana rutsigiro kubva kunyika yangu,” akadaro Chivandire. Parizvino Chivandire ari kuMalawi uko ari kuita gadziriro dzekuti azorwe naDuduzile Kakhwamba wekuMalawi zvakare mumutambo weInter-Stable Boxing Tournament wevatambi vari kusimukira mutsiva uyo uchatambwa svondo rino musi weMugovera.

“Gadziriro dzangu dzange dziri kufamba zvakanaka uye svondo rino ndiri kutarisira kuhwina chete. “Uyu mutambo wekundibatsira kuti ndirambe ndichikura mutsiva, ndinoushandisa kuona kuti ndave kukwanisa here kurwira mabhande akawanda,” akadaro Chivandire.
Chivandire kusvika parizvino akwanisa kutamba mitambo minomwe yakasiyana uye haasati ambokundwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey