Tsumo nemadimikira namukanya

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Tsumo nemadimikira namukanya

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Rume rimwe harikombi churu.

Tsumo iyi inoreva kuti munhu mumwe chete haagone kuita zvinhu zvese ari oga, anotodawo vamwe vanomubatsira.

Zvekuita: Tipe tupukanana twuviri twunobuda pachuru kana kwanaya?

. Mhunduro: majuru, ishwa

* * *

Svondo rino:

Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro.

Tsumo iyi inoreva kuti hazvisi zvinhu zvese zvinoitika ny’ore ny’ore. Izwi rekuti zvikoni rinobva pane rekuti kukona richireva kukundikana. Saka zvimwe zvinhu zvakaita semimba hazvibve kubudikidza nekukosora.

Zvekuita: Taura mamwe mazita maviri emimba.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey