Ukarera imbwa nemukaka . . .

13 Sep, 2023 - 13:09 0 Views
Ukarera imbwa nemukaka . . . Rabson Madenga

Kwayedza

. . . munin’ina wemurume orova maiguru vekumuchengeta

Phillipa Mukome-Chinhoi

CHIREVO chinoti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma chava kuzadzikiswa nenyaya yemudzimai wemuHarare uyo anoti akachengeta munin’ina wemurume wake kubvira achiri kuenda kuchikoro, asi zvino ave kumuonesa pfumvu nekumurova uye kukanganisa wanano yake.

Izvi zvabuda apo Eulita Madenga aendesa Rabson Madenga kudare reHarare Civil Court achiti anoda kuti abve pamba pake.

“Babamudiki ava takavachengeta kubvira vachiri mwana wechikoro vakatinetsa zvikuru nekuti vaidya mari yekuchikoro vopedzisira vadzingwa kuchikoro. Takazovatora kuti vashande mushopu medu kuti vararame, zvino vave kundinetsa zvakare,” anodaro Eulita.

“Ndikada kuvatsiura vanondituka kana kundirova, pamwe pacho vanotaura manyepo kumurume wangu ndopedzisira ndorohwa zvakare. Dzimwe nguva vanouya nemachira ekumasowe nembiya idzo vanokwidibira pamba pangu zvinove zvisingandiitire nekuti handipinde kereke iyoyo. Ndinokumbirawo vabve pamba pangu zvese nemumabhizimusi angu vazvionerewo nemhuri yavo,” anodaro amaiguru uyu.

Rabson haana kupikisa mashoko aamaiguru vake achiti nyaya iyi vanokwanisa kutaurirana semhuri.

“Vari kundidzinga mubhizimusi iri asi takashanda tese semhuri, vanoda kuti ndiite sei nemhuri nekuti ndipo ndange ndave kuraramirawo?” anodaro Rabson.

Eulita anorambisisa achiti Rabson mushandi wavo chete uye bhizimisi iri nderake nokudaro anoda kuti abve atange upenyu hwake.

Eulita Madenga

“Pavakapihwa samanisi rekuti tiuye kuno kudare, vakauya kumba vakandituka nekundirova saka kugarisana kwacho hakuchaite,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Eulita gwaro redziviriro, Rabson ndokunzi asatuka kana kurova amaiguru vake uye asasvike zvekare pamba nekumabhizimusi aEulita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey