Uncategorized

Vakomana 2 vane ma1 . . .

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Vopindira hanzvadzi
Mumba isina kupfeka

Trymore Muvhawa

HANZVADZIKOMANA mbiri dzakamiswa mudare dzichipomerwa mhosva yekupindira hanzvadzisikana mumba isina kupfeka nekuhaya vanhu vekuti vaiuraye.Gladys Chivaura akamhan’arira Abel Chivaura naFrancis Chivaura kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza.

Gladys akaudza mutongi wedare iri, Yeukai Dzuda, kuti: “Mambo wangu, ndinoshungurudzwa zvikuru nemaitiro emukoma wangu Abel. Anondipindira mumba ndisina kupfeka, asina kana kugogodza apo ndinenge ndichipfeka. Handizivive kuti chinangwa chake ndecheyi?

“Ndakambozvinyarara kekutanga asi iye zvino ndaona kuti zvaenderera, saka ndati regai ndiuye kuzodzivirirwa kuno kudare.”

Akati rimwe zuva Abel akamupindira mumba apo iye nemusikana webasa vakange vasina kupfeka.

“Mumwe musi akapinda ndisina kupfeka, asina kugogodza achinyatsozviona kuti ini nemusikana webasa taive tisina kupfeka tichichinja. Ndinonyara zvikuru nemaitiro emukoma wangu, handizive kuti sei achidaro,” akadaro Gladys.

Akati Abel anotumawo vanhu kuti vamuponde nekuda kwechikonzero chaasingazive.

“Mumwe musi ndakapona nepaburi retsono apo ndakabuda mumba nepahwindo atuma vanhu kuti vandiuraye.

“Handizvo zvega, Abel anogarondityisidzira achida kundirova uye akambondikiyira panze ndikashaya pekupinda napo mumba chinangwa chake chiri chekuti ndirare panze, amai ndivo vakazova ‘Mwari’ wangu,” akadaro Gladys.

Anoti Francis ane katsika kamwe chete kanoitwa naAbel.

“Uyuwo Francis anoita zvimwe chetezvo asi ndine chokwadi chekuti anenge achifurirwa naAbel nekuti mumwe musi ndakaterera ari panhare achiudzwa zvekuita naAbel kuti gen’a ravo rizondiuraya. Handizive kuti ndakavatadzira chii.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakambomhan’arira Francis akasungwa nemapurisa epaMarimba Police Station mushure mekunge atumira vanhu kuti vandiuraye asi ndikazoshamiswa kumuona aregerwa vachiti endai munotaurirana mugarisane zvakanaka.

“Imba iyi ndeye vabereki, nekudaro handione chikonzero chinoita kuti vaite hunhu hwakadaro asi dai ndaigara kudzimba dzavo,” akadaro Gladys.

Abel akaudza dare kuti Gladys ainyepa.

“Mambo wangu, Gladys anonyepa zvekuti fee. Handina chandinoda mumba make saka handipindemo. Zvaari kutaura zvakaitika 2014 amai vedu vasati vamboshaya saka ndashaya kuti sei amhan’ara nyaya iyi kudare nhasi,” akadaro Abel.

Francis akataurirawo dare kuti hanzvadzi yake inoita semunhu anorasa njere.

“Mambo wangu, pane zvataurwa naGladys kubva pekutanga hapana chechokwadi. Anorwara uyu, akambondisungisa zveshuwa ndikarara paMarimba Police Station ndokuzoburitswa ava mangwana acho vachiti tiende kunoyanana,” akadaro Francis.

Mutongi Dzuda akapa Gladys gwaro redziviriro ndokuyambira Abel naFrancis kuti vachengetedze runyararo pakati pavo nehanzvadzi yavo nguva dzose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey