Vakuru 31 000 vari kudzidza – Dokora

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Vakuru 31 000 vari  kudzidza – Dokora

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakatanga chirongwa chakananga kuona kuti munhu wose, kusanganisira vanhu vakuru, awana mukana wekudzidza.

Pasi pechirongwa ichi, cheNon-formal Education Policy, vanhu vakuru vane mukana wekudzidza muzvikoro munguva dzeusiku.

“Chinangwa ndechekupa mukana kune vasina kuwana fundo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, izvo zvinosanganisira kushaya mari nezvimwe,” vakadaro Dr Dokora. Izvi tiri kuzviitira kuti nyika yose izove nevanhu vane ruzivo, vanokwanisa kuverenga nekunyora pamwe nekuita mabasa emawoko anovapa cheuviri tichifambirana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset,” vakadaro Dr Dokora. “Takatanga chirongwa ichi apo vanhu vechikuru 31 000 kumativi mana enyika vari kudzidza magwaro akasiyana pamwe nekuita zvidzidzo zvemabasa emawoko,” vakadaro Dr Dokora.

Vanoti bazi ravo rakabatana zvakare nemakoreji anoona nezvekurima mukudzidzisa vanhu mabasa.

“Ticharamba tichitevedza gwaro reNational Non-formal Education Policy, iro rinokurudzira kuti munhu wose awane fundo,” vakadaro Dr Dokora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey