‘Vana ngavadzidziswe zvemawoko’

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekudhirohwa mifananidzo sezvo vamwe vana vachikwanisa kuzowana raramo kubva mazviri mune ramangwana.

Kurudziro iyi yakaitwa nemumwe mudzidzisi anove shasha pakufundisa chidzidzo chekudhirowa, Mai Antoneta Mbidzo Chinofura, avo vanodzidzisa paChiimbira Primary School, kuMadziwa kudunhu reMashonaland Central.

Mudzimai uyu anoti akatanga kuve nechido nechidzidzo ichi apo aive achiri kuchikoro achiita Grade 3.

“Izvi zvinhu zvakauya mandiri ndiri mwana mudiki ndichiri kuchikoro kunyangwe ndakazoenderera mberi kutsvaga ruzivo apo ndakange ndave paSeke Teacher’s College ndichidzidzira basa,” vakadaro. Vanoti pari zvino vana vavari kudzidzisa, avo vakaumba makirabhu, vari kuratidza kuva nechido nechidzidzo ichi.

“Izvi zvinhu zvinofanira kuitwa nemunhu ane chido nazvo,” vakadaro. Mai Chinofura vanoti zvidzidzo zvakadai zvinofanira kukosheswa nekuti kana vana vakakundikana mudzidzo yavo vanogona kuzowana raramo kubva mazviri.

“Sezvo vasiri vose vana vanogona muchikoro, kana mwana achinge achikundikana muzvidzidzo zvake akatora chidzidzo chemabasa emawoko chakaita sechekudhirowa anogona kurarama zvisina dambudziko achiwana mabasa ekudhirowa,” vakadaro Mai Chinofura.

Vanoti kunze kwekudhirowa vane zvimwe zvavanofanira kunge vachiita zvinoenderana nechidzidzo ichi zvakaita sekuveza matombo asi vakatarisana nedambudziko rekushaya zvekushandisa.

“Kunze kwekushaya zvekushandisa zvakaita sematombo nezvekuvezesa, tine rimwe dambudziko rependi yatinoshandisa pakudhirowa izvo zvinotidzosera kumashure,” vakadaro.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, VaTakesure Mhembere, vanoti vanofara zvikuru kuti pachikoro chavo pane mudzidzisi wechidzimai ari kusimudzira chidzidzo chekudhirowa.

Vanoti chishuwo chavo kuti vana vari kuita chidzidzo ichi vazove nepundutso mune remangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey