Vana ngavarangwe muzvikoro: mambo

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE, kuburikidza nebazi rezvedzidzo repuraimari nesekondari, iri kukurudzirwa kuti iongorore zvakare mutemo unoita kuti vana vasarangwe vachiita zvekurohwa muzvikoro sezvo vamwe vana vachinzi vanotora mukana uyu kuita zvehunhubu.

Kurudziro iyi yakaitwa naMambo Nyoka, VaNewton Musafare Matizha, vekuChivhu svondo radarika apo paiparurwa firimu rinonzi “Zvoitwa Sei Series 2”, iro riri pamusoro pezvinoitika munharaunda zvakaita sekushungurudzwa kwevanasikana.

Mambo Nyoka vaitaura vachipa chichemo chavo kugurukota rezvemaindasitiri, Cde Mike Bimha, avo vanovazve mumiriri weChikomba West mudare reNational Assembly.

Cde Bimha ndivo vaive muenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi.

Mambo Nyoka vakati vamwe vana vechikoro vari kurasa hunhu zvinosuwisa vachiita mabasa ehunzenza, kunwa nekuputa zvinodhaka nechikonzero chekuti vanoziva kuti mutemo hautendere kuti varangwe kuburikidza nekurohwa kuchikoro.

Vanoti mutemo wekuti vana havarohwe hauna kunaka zvachose sezvo varairidzi pamwe nevabereki kudzimba vave kutya kusungiswa kana vakamhan’arirwa kuti varova vana.

Vanoti vamwe vana vave kushandisa mukana uyu kushungurudza varairidzi kuzvikoro pamwe nevabereki nekuti vanoziva kuti hapana zvavanoitwa.

Maitiro akadai aya, vanodaro Mambo Nyoka, anokanganisa remangwana revadzidzi sezvo vamwe vasisakoshese dzidzo.

“Ndati ndigare ndakuzivisai kuti vamwe vana varasa tsika dzavo zvikuru izvo zvinorwadza.

“Mimwe mitemo iri kuiswa neHurumende haisi kubatsira nekuti vana vave kuita madiro vachishungurudza vadzidzisi muzvikoro pamwe nevabereki kudzimba nekuti vanoziva kuti hapana anovaranga.

“Ramangwana ravo riri kuenda mudondo nekuti vamwe vacho havachakoshesa dzidzo, vave kuswera vachidhakwa nekuputa mbanje.

“Varairidzi nevabereki kudzimba mawoko avo akasungwa nekuti vanotya kuenda kujeri nekuti mwana anonomhan’ara kuti ndarohwa.

“Unotoona mumwe mwana achienda kuchikoro nezinharembozha rinotyisa, oswera achiritokonya asingaverengi kana kutevedzera zvaanenge achidzidziswa,” vakadaro.

Zvakadaro, rimwe remasangano anomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, nguva yadarika rakanyorera kumutungamiriri wenyika President Mugabe richikumbira kuti mutemo unorambidza kuti vana varangwe kuzvikoro ubviswe.

Mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vanoti vari kutambira mashoko kubva kuvariridzi vari kumativi mana enyika anoti vamwe vana vave kuita misikanzwa muzvikoro nekuti vanoziva kuti varairidzi havabvumidzwe kuvaranga neshamhu.

Pasi pebumbiro idzva reZimbabwe, kurohwa kwevana kana vanhu vakuru hakutenderwe sechirango asi kuti panofanirwa kutsvagwa dzimwe nzira dzekuranga nadzo nyakutadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey