Uncategorized

VANA VAKANWISWA ROPA

05 Nov, 2019 - 17:11 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANA vanomwe vanogara muHarare vari kunzi vakatorwa nechisimba nemumwe murume uyo akaenda navo muchisango, ndokunovagusa vhudzi repanhova dzavo vose, achibva avanwisa ropa rezizi nerimwewo risati razivikanwa kuti nderei, pashure kwava kuzovamanikidza kudya nyama yacho iri mbishi.

Mukomana wechidiki anonzi Tafadzwa Mavhurere Goriyati (18) uyo anogara kuDzivaresekwa ndiye ari kunzi akaita izvi.

Goriyati – uyo akatiza vatori venhau veKwayedza paakashanyirwa svondo rapera – anonzi akatora vana ava ndokuenda navo kukasango apo aiti aida kunovapinza mumutambo wezvigure sezvo iye achitambawo mutambo uyu.

Mudiki pavana ava ane makore matatu okuberekwa kuchiti mukuru wavo ane makore gumi nerimwe chete.

. Nyaya iyi izere iri muKwayedza resvondo rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey