Vanosiira chikoro panzira vobatsirwa

30 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
HURUMENDE inorumbidza mamwe emasangano ari kubatsira vadzidzi vari kusiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana kuti vakwanise kuita mabhindauko emawoko akaita sekutima ayo anovapa raramo.

Vachitaura pagungano rakarongwa nerimwe sangano rakazvimirira, reFit for Life, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakati kune vamwe vana vari kusiira dzidzo yavo panzira nekuda kwezvikonzero zvakaita sekushairwa mari dzechikoro avo vanopedzisira vashaya zvekuita muupenyu.

Fit for Life iri kuita chirongwa chekudzidzisa vechidiki vane makore 15 kusvika 18 okuberekwa mabasa ekurima yakabatana nesangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union neUnicef.

“Vana vazhinji vari kusiira chikoro panzira nekuda kwekushaya mari vamwewo nekuroorwa vachiri vadiki, kutama nzvimbo dzavanogara pamwe chete nekuda kumhanyidzana kuenda kumabasa kuti vawane mari nechimbi-chimbi.

“Chirongwa cheFit for Life chakauya kuzosimudzira vana vakadai. Chakavambwa muna 2013 uye kune vakatanga kuchipinda vakaona kukosha kwacho.

“Tiri kutarisira zvakare kuti chikoro chimwe nechimwe munyika chinofanira kuva nepanodzidzira vanhu vakasiira fundo panzira (non-formal education centre),” vakadaro.

Mamwe emasangano akabatsira mukuvambwa nekuvandudzwa kwechirongwa ichi anosanganisira Cotton Training Centre, Khulasizwe Trust neKushinga Phikelela ayo aitungatungamirirwa neZFU.

“Fit for Life yadzosa tariro yeupenyu kuvana vakasiira chikoro panzira. Chirongwa ichi chakanakira pakuti chiri kudzidzisa vana kuzvishandira pamwe chete nekuziva kukosha kwechikoro. Vana vanenge vari pasi pechirongwa ichi vanopinda mumapoka akasiyana umo vanorima mbesa dzakatsaukana dzavanozotengesa vachiwana mari,” vakadaro Dr Dokora.

Mumwe wevakabatsirwa nechirongwa ichi, Loveness Chanadanza, anochirumbidza zvikuru.

“Ndinotenda chirongwa ichi zvakanyanyisa nekuti ndakagumira chikoro muGrade 5 apo amai vangu vakati ndishande mumba vachiti vakange vasisina mari yekuti ndienderere mberi nechikoro. Izvi zvakandirwadza nekundishungurudza semunhu aidawo chikoro.

“Ndakarega chikoro ndisati ndava kutombogona kuverenga asi pandakanzwa zvechirongwa ichi ndakafara sezvo pakanga pasina mari yaidiwa.

“Ndakadzidza zvakawanda kusanganisira kuverenga, kunyora, kurima, kupfuya zvipfuyo pamwe nekugona kuchengetedza nekuronga mashandisirwo emari,” anodaro Chanadanza.

Isaac Bohwani (17) anotiwo pari zvino ava kugona kuzvionera bhizimisi rake rekurima kuburikidza nechirongwa ichi.

“Ndakasiya chikoro ndiri Form 2. Pandakanzwa nezvechirongwa ichi ndakachifarira ndakasarudzwa kuti ndiende kuKushinga Phikelela uko takanodzidziswa kurima pamwe nematengeserwo ezvirimwa,” anodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, ZFU executive director, VaPaul Zakariya, vakatenda rutsigiro rwavari kupihwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari pasi pechirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey