Vodhakwa vari pabasa

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VABEREKI vekuDomboshava, kuMashonaland East, vari kunyunyuta zvikuru nekatsika kavanoti kari kuitwa nevamwe vadzidzisi avo vari kuonekwa vachiraradza nedoro kumabhawa panguva yebasa uye vamwe vana vechikoro vari kuita hunzenza.

Kwayedza nguva yadarika yakaita hurukuro nevabereki vaitsutsumwa zvakare nezviri kuitwa nevamwe vakuru vezvikoro vari kunzi vanonyima vana zvakabuda mubvunzo dzeO- neA-Level nekuda kwekuti vanenge vakarasa mabhuku echikoro avaishandisa kana kuti vane zvikwereti.

VaTapiwa Chonyera vanochema-chema vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro zvemudunhu ravo.

“Ini semubereki, ndiri kuona vadzidzisi vari mumabhawa nguva dzemangwanani inova nguva yebasa yekuti vanofanirwa kunge vachipa ruzivo kuvana. Iri rave dambudziko nekuti vana vedu havachadzidza zvakakwana.

“Zvakare zvikoro zvishoma muno muDomboshava zvinova zvava kukonzeresa kuti vana vadzidze vakawandisa mukirasi imwe chete uye vamwe vanofamba nzendo refu kuti vasvike kuchikoro.

“Takatarisana nevanasikana, vari kusangana nekushungurudzwa nevemakombi sezvo mahwindi vachivavhevhetedza uyewo vana vachowo nekuda kwekushaya vanokwidzwa kombi mahara vamwe vopedzisira vave kubhinywa kana kupihwa mimba,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanasikana vave nzenza.

“Zera revamwe vanasikana vari kupinda mumabhawa rave kutyisa. Vana vari kuenda paMverechena Business Centre kunopinda mumabhawa uye vamwe vanodhumhana navanababa vavo ikoko. Ini ndinosangana nevana vechikoro vandinoziva panzvimbo iyi,” vanodaro VaChonyera.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Precious Bopoto vachiti vanasikana vemudunhu ravo vapanduka.

“Kunze kwazvo, muno munoda kuvakwa zvimwe zvikoro pamwe nekuvandudzwa nekuti zvimwe zvacho midhuri yatsemuka-tsemuka,” vanodaro.

Mukuru wezvedzidzo mudunhu reMashonaland East (Provincial Education Director), VaChristopher Chihota, vanoti nyaya yematicha ari kuraradza nedoro panguva yebasa haisati yasvika kwavari.

“Hatikwanise kuzviramba zvinotaurwa nevabereki zvekuti maticha anopinda mumabhawa asi hazvisati zvasvika kwandiri uye kana ndikazvinzwa tinoita kuti pave nematanho akakodzera anotorwa,” vanodaro VaChihota.

“Asi zvevana vanonzi vakarasa mabhuku avo vari kunzi vatenge chandinoziva ndechekuti Domboshava yose takaendesa mabhuku ekuverenga pasi pechirongwa cheEducation Transition Fund. Saka hakuna mwana anonzi angaverenge bhuku nemumwe. Zvinhu zvatichatarisa zvakare.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey