Vovhiringwa nemhuka

03 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Vovhiringwa nemhuka Advocate Dinha

Kwayedza

Advocate Dinha

Advocate Dinha

VAMWE vana vekwaShe Chitsungo, kuMbire, vanonzi vari kusiira chikoro panzira nekuda kwemhuka dzesangano idzo dzarura zvinova zviri kuisa upenyu hwavo panjodzi pakuenda nekudzoka kuchikoro.

Gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland Central, Advocate Martin Dinha, vanoti kuMbire kune vamwe vana vari kusiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kurura kuri kuita mhuka dzesango pamwe nehurombo.

Cde Dinha vanoti kunzvimbo iyi kune mhuka dzine njodzi kuupenyu hweveruzhinji dzakaita seshumba nenzou.

“KuMbire kune game park iriko, saka nekuwanda kuri kuita vanhu, vamwe vari kupedzisira vava kunogara munzvimbo dzinofanira kunge dzichigara mhuka pove nekurwisana pakati pevanhu nemhuka.

Zvavewo kukanganisa vana vane vabereki vari kugara munzvimbo idzi apo vanouraiwa kana kukuvadzwa nemhuka vachienda kuchikoro,” vanodaro.

Cde Dinha vanoti Hurumende iri kutora matanho akakodzera akananga kupedza matambudziko aya.

Kwayedza nguva yadarika yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe vabereki avo vaichema-chema nekuda kwemhuka dzavanoti dzakonzera njodzi kuupenyu hwavo nehwezvipfuyo.

Sister Mindy Chipokosa, avo vanove District Nursing Officer kuMbire, vanoti mhuka dziri kurura munzvimbo yavo dzinosanganisira nzou, shumba nemapere.

“Kuno kune masango akakura azere mhuka uye dzimwe dzacho dzinobva muMbire Game Park dzichiuya kunzvimbo dzinogara vanhu. Inzvimbo inotyisa kana kushandira nekuti unogona kusangana nemhuka idzi uchienda kubasa kana kuti wave kudzoka,” vakadaro.

Vanoti izvi zvave kutadzisa vamwe vana kuenda kuchikoro.

“Hakusi kushaya mari yechikoro kwega kwevabereki kuri kuita kuti vana vemuno vagumire chikoro panzira asi kuti mhuka dzarura. Kudai vebazi rinoona nezvemhuka vatibatsira padambudziko iri,” vakadaro.

Vaimbove kanzura weWard 3 kuMbire, VaIsaac Joko, vanoti zvikoro zvesekondari zvishoma mudunhu iri izvo zvave kuita kuti vamwe vadzidzi vange vachifamba nzendo refu. “Vana vechikoro muno vanofamba chinhambwe chemakiromita anodarika 15 kuenda kuchikoro zvekuti kazhinji kacho vanononoka kana kusvika vakaneta. Pavanodzoka kumba kunenge kwasviba saka pane dambudziko remhuka dzinogona kuvakuvadza,” vakadaro.

Vanoti mudunhu iri muri kuvakwa zvikoro zvesekondari zvina zvinoti Mushumbi High 2 Secondary, Madzomba Secondary, Nyambudzi Secondary neHande Secondary nechinangwa chekupedza dambudziko rekushomeka kwezvikoro.

Mukuru wedzidzo kudunhu reMashonaland Central, VaNehemiah Mazibheli, vanoti nyaya yemhuka dzinonzi dzarura idzo dziri kutadzisa vamwe vana kuenda kuchikoro haisati yasvitswa kumahofisi avo.

Vakavimbisa kuti vachaita ongororo yenyaya iyi kuitira kuti vazive mamiriro ezvinhu chaiwo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey