Yava nguva yekugocha nekunwira

12 Oct, 2023 - 20:10 0 Views
Yava nguva yekugocha nekunwira Vanhu vachigocha nyama nekunwira-nwira pachirongwa cheCastle Lager National Braai Day nguva yadarika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ACHANGE ari makuwerere pachirongwa che6th Edition Biggest Castle Lager National Braai Day musi wa21 Gumiguru kuOld Hararians Sports Club, muHarare, apo veruzhinji vanenge vachigocha nyama nekunwira-nwira.

Chiitiko ichi chiri kurongwa nekambani inobika doro nezvinwiwa yeDelta Beverages.

Mai Patricia Murambinda, avo vanova general manager corporate affairs kukambani iyi, vanoti gadziriro dzedopiro iri dzave padanho repamusoro.

“Mutambo uyu uchaunganidza vanhu vanobva kumatunhu akasiyana kuti vazofara nekunwa pamwe vachigocha senzira yekudzoreredza tsika nemagariro edu sevanhu vatema yekudya pamwe chete zvichiumba humwe sevanhu vemuAfrica. Veruzhinji vachatandadzwa nemitambo yakasiyana apo tichange tichikutwa nevaimbi vakadai saTamy Moyo, Enzo Ishall, Dhadza D, ChillSpot Family naWinky D uye maDJ anoti Naida, Etherton B, DJ Cesh naDJ Rush,” vanodaro.

Patricia Murambinda

Vanoti matikiti ekupinda muchirongwa ichi atovapo achiita US$10 uye pamari iyoyi ndipo panowanikwa zvekare nyama yakagochwa, rita redoro (Castle Larger Draught Beer).

“Veruzhinji vanogona kutenga matikiti aya kuburikidza nemasai-sai anoti: www.clicknpay.africa uye kuti munzwe zvizere maringe nezuva iri endai padandemutande reCastle Lager reFacebook, X neInstagram. Mitambo yerudzi urwu inopindwa nevanhu vane makore 18 okuberekwa zvichikwira bedzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey