Zim iri kusimukira pane zveutano: Ongororo

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Zim iri kusimukira pane zveutano: Ongororo Dr Gibson Mhlanga

Kwayedza

ONGORORO yakaitwa neboka reZimbabwe Demographic Health Survey (ZDHS) inoratidza kuti Zimbabwe iri kuramba ichibudirira munyaya dzekusimudzirwa kweutano hwemadzimai akazvitakura nevana munyika yose.

Ongororo iyi yakaparurwa nomusi weChishanu wadarika muguta reHarare apo veruzhinji vakange vachibatsira nemazano mukuinzvera.

Zvisinei nekuti ongororo iyi inoratidza kuti ndufu dzemadzimai nevana dzinoitika panguva yekusununguka dzichakawanda, Zimbabwe iri kuratidza kuve nebudiriro huru munyaya dzekurera mhuri, utano hwevana, utano hwevayaruka uye munyaya dzeruzivo maringe neutachiona hweHIV neAIDS.

ZDHS inoti ndufu dzemadzimai panguva yekusununguka dzakaderera zvishoma kuenda pa650 pavana 100 000 vanozvarwa vari vapenyu kubva pandufu 960 pavana 100 000 vaizvarwa vari vapenyu mukore a2010 -2011. Izvi zvinoreva kuti nyika iri kurasikirwa nevana vanomwe pazuva rega-rega.

Zvakare huwandu hwemadzimai ari kusunungutswa nananyamukuta vakafundira basa huri kuwedzera kubva pa66,2 % kuenda pa78% uyewo huwandu hwemadzimai ari kushanyira zvipatara nemakirinika panguva iyo vanenge vakazvitakura huri kuwanda zvakare kubva pa64,8 % kuenda pa75,7% mumakore mashanu adarika.

Kunyangwe zvazvo huwandu hwevana vakakwanisa kubaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere zvakasiyana hwakawedzera nechikamu che73% munyika yose, ongororo iyi inoratidza kuti mwana mumwe chete pakati pe15 vega-vega akarasikirwa neupenyu mukati memakore mashanu adarika asati asvitsa makore mashanu ekuzvarwa.

Pamusoro pezvo, chikamu che36% chevana vari pasi pemakore mashanu vari kutadza kukura zvakanaka (stunted growth) uye chikamu che9% vakanyanyisa kupfupika.

Chikamu che4% chevana vakaondoroka zvikuru apowo 10% vasina huremu hwakakodzera nezera ravo.

Ongororo iyi inoratidza zvakare kuti chikamu che48% chevana vari pasi pemwedzi mitanhatu yekuberekwa vari kuyamwiswa nemazvo pasina kupihwa kumwe kudya.

Panyaya dzekurera mhuri, ZDHS inoti chikamu che14% chemadzimai akaroorwa vari kushandisa nzira dzechizvino-zvino apowo 25% chiri chikamu chevanasikana vari pakati pemakore 15 kusvika 19 ekuberekwa.

Munyaya dzeHIV, ongororo iyi inoratidza kuti chikamu che50% chemadzimai nevarume vakavhenekwa kuti vange vachiziva pavamire.

Dr Gibson Mhlanga, avo vakafanobata chigaro chemunyori kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti magwaro aya eongororo akakosha nekuti anobatsira kuti nyika izive zvaingaronge kana paine mikaha iri kuonekwa munyaya dzeutano.

Mumashoko avo akaverengwa nemukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere munyika (Director of Epidemioligical Desease Control) – Dr Portia Manangazira – Dr Mhlanga vanoti kuburikidza neongororo iyi, vanokwanisa kuronga zvingaitwe mukusimudzira nyaya dzeutano.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri kusangano reUNFPA, VaCheikh Tidiane Cissie, vanoti nyaya dzeutano dzinoda rutsigiro rwemari.

“Kana tichitaura nyaya dzeutano tinotaura zveupenyu hwevanhu nekudaro tinofanira kuona patiri kusarira senyika kuti patsigirwe zvakanyanya,” vanodaro.

Ongororo iyi ndeye chitanhatu kuitwa muZimbabwe.

Mukuru wesangano reZDHS, VaMutasa Dzinotizei vanoti ongororo iyi yakaitwa mumwedzi waChikunguru naZvita 2015 kuburikidza nerutsigiro rweHurumende nemamwe masangano akazvimiririra.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey