Zimbabwe Farmers Union yoyambira gmb

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Zimbabwe Farmers Union yoyambira gmb

Kwayedza

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rakayambira kambani inotenga zvirimwa munyika muno yeGrain Marketing Board kuti isatore zvirimwa zvevarimi isati yava nemari yekuvabhadhara izvo zvinonzi zviri kukonzera kudzikira kwemabasa ekurima muZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa naVaPaul Zakariya vanove ZFU executive director pamwe nemutauriri wesangano iri vachiti kusabhadharwa kwevarimi nenguva uku idambudziko guru.

“Tine dambudziko guru chaizvo nekambani yedu yeGMB nekuti inotora zvirimwa zvevarimi isina mari yekuvabhadhara saka isu tinoti zvirimwa zvevanhu ngazvitorwe chete kana kambani iyi yave kuona kuti ine mari yekuzovabhadhara, pane kuti varimi vanoita gore kana makore maviri vasina kubhadharwa. Vanoshaya kuti vodzokera nei muminda yacho zvaita kuti basa rekurima muno ridzokere kumashure,” vakadaro.

Vanoti murimi haakwanise kubudirira kana achitadza kubhadharwa zvirimwa zvake nenguva.

“Tarisai gore rino mvura yakanonoka kuuya ndokuwana zvakare varimi vedu vasina kugadzirira zvizere, zvinoreva kuti goho richadzikira saka tinoda kuti izvi zvipere kuti nyika igone kusimukira.

“Nhasi chaiye (svondo rapera) ndipo pandanzwa kuti GMB yava nemari yekubhadhara varimi,” vakadaro.

VaZakariya vakati zvaive zvakatonaka kuti varimi vatengese zvirimwa zvavo kune mamwe makambani nemasangano akazvimirira vowana mari yavo nenguva, hurumende yomirira chete kuisa mitemo yekuti varimi ava vatengerwe zvirimwa zvavo nemari yakanaka.

“Izvozvi apo varimi vari kudyara nekurima mbesa dzakasiyana, ngatigadzirirei mwaka uri kutevera wezhizha pane kumirira kuti chirimo chigosvika takayeverwa tozotanga gadziriro mukupera kwegore,” vakadaro.

Vakati pamakore gumi akadarika goho rezvirimwa zvose munyika rakadzikira zvikuru nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Vakazokurudzira varimi kuti vadyare mbesa dzinokurumidza kuibva zvichitevera kunonoka kwakaita mvura kunaya.

“Mvura yedu yakanonoka kuturuka saka kuvarimi vedu ndinoti ngavadyare mbesa diki nedzinokurumidza kusvika nekuti hatizive kuti mvura yedu icharamba ichinaya kusvika rinhi, zvisinei kuti vemamiriro ekunze vari kuvimbisa kuti ticharamba tiinayo,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey